Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMamwe Mapato ari muMDC Alliance Dzoshoropodza Mubatanidzwa


Vatungamiri vemapato ari muMDC Alliance (Mufananidzo: MDC)
Vatungamiri vemapato ari muMDC Alliance (Mufananidzo: MDC)

Vakuru vakati chikomo 'chiremera chevari kure, vari pedyo vanotamba nacho'. Dudziro yechirevo ichi inenge yave kubuda sechokwadi pamubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance, uyo uri kuonekwa nevamwe vari kunze senzira chete yekubvisa nayo hutongi hweZanu PF.

Asi izvi zvinonzi handizvo zviri kuonekwa nevamwe vari mumapato akapinda mumubatanidzwa uyu, avo vanonzi vari kubuda pachena vachishoropodza mubatanidzwa uyu.

Mazuva mashoma adarika, dzimwe nhengo dzePDP dzakabuda pachena dzichinyunyuta nemafambisirwo anonzi ari kuitwa nhaurirano dzemubatanidzwa uyu, zvikuru panyaya yekugovana zvigaro.

Komiti huru yebato iri inonzi iri kutarisirwa kusangano nemusi weChishanu kuti izeye nekupeta nyaya inonzi yave kuda kutsemura musangano uyu nepakati.

Dzimwe nhengo muMDC-T dzinonzi dziri kurambawo kuti paumbwe mubatanidzwa nemamwe mapato, dzichiti pamato aya haana chaanounza kunze kwekutokohwa paasina kurima.

Izvi zvinonzi zviri kuitikawo kuMDC inotungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube, uko dzimwe nhengo, zvikuru dziri muhutungamiri, dziri kunzi dziri kukanda zvipanera muvhiri remubatanidzwa uyu dzichiramba kubatana nebato raVaTsvangirai.

Mapato anoti MDC-T, MDC, PDP, Transform Zimbabwe, Zimbabwe People First, Christian Democratic Party neZanu Ndonga akabatana kuumba MDC Alliance, asi zvinozi kusvika pari nhasi mamwe mapato haasati aisa runyoro rwavo pachibvumirano chekuumba mubatanidzwa sezvo dzimwe nhengo dzawo dziri kuramba.

Asi mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaNcube, VaKurauone Chihwayi, avo vataura vakamirira bato ravo, vanoti zvakaitwa nebato ravo zvekupinda mumubatanidzwa uyu ndizvo zvakabva muvanhu vavanomirira.

"Zvakanzi zvakangonaka kuti muite mubatapamwe, mubatirane pamwechete mukwanise kubvisa varipo ava. Asi mumaziso tinogona kunge tichiona zvakasiyana. Isu mumaziso edu takaona kuti chinhu chakanaka uye tiri kudavira kumashoko evana veZimbabwe kuti tiise pfungwa pamwechete tigorwisa hurumende yeZanu PF yadai kutitambudza," VaChihwayi vanodaro.

Vanoti mubatanidzwa uyu ndicho chete chinhu chinokwanisa kuti Zanu PF ibve pachigaro. Vanotiwo vane dambudziko nevamwe vanhu vanongoda kusvoropodza chinhu chose chose, asi vasingape pfungwa dzinovaka.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti havaoni mubatanidzwa uyu uchikwanisa kubvisa Zanu PF pachigaro, kana kubudirira, vachiti mbeva zhinji hadzina mashe.

"Hazvigone kuti vabudirire. Chekutanga, pamapato avo ose manomwe iwayo, zvazvinoreva ndezvekuti hapana rinonzi bato pama party avo manomwe iwayo nekuti wakaona vanhu vanomwe voungana vachida kukutsira munhu mumwechete, izvo zvinongoreva kuti haa, vari kuita havo matope," VaChirumhanzu vanodaro.

Hurukuro naVaKurauone Chihwayi pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG