Accessibility links

Breaking News

Sangano reZHRO Roburitsa Pachena Dambudziko reKodzero dzeVanhu kuMusha


Zimbabwe Human Rights Organisation (ZHRO)
Zimbabwe Human Rights Organisation (ZHRO)

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika makumi maviri nezvitanhatu zviri kuBritain, svondo rapera zvakafamba kwemakiromita zana nemashanu, kubva kuBrighton kunosvika kuLondon senzira yekuburitsa pachena dambudziko renyaya dzekodzero dzevanhu riri muZimbabwe.

Rwendo urwu rwakashandiswawo zvakare kupemha mari yekubatsira vari kushungurudzwa nehurumende kumusha.

Rwendo urwu rwakarongwa nesangano rakazvimirira rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Organisation, ZHRO riri kwakare kuBritain.

Mumwe wevakafamba ava, VaKingstone Jambawo, avo vataura vakazvimirira, vanoti vakatanga nekuungana muBrighton mangwanani emusi weChishanu, vakazosvika muLondon nemusi weMugovera.

VaJambawo vanoti ivo zvavo havana kuzokwanisa kupedza rwendo rwose, asi vanoti padiki pavakafamba ipapo pakavafadza zvikuru kuti vakanga vaitawo bandiko ravo rekuburitsa kushupika kwevana veZimbabwe.

Vakatungamira muhuruongwa uhwu, Amai Rashiwe Bayisayi, vanove zvakare mumwe wevanhu vatatu chete vakakwanisa kupedza rwendo rwose, vanoti rwendo urwu rwaive rwakavaomera kwazvo, asi vakabudirira nekuda kwekuti vakanga vangozvipira.

Hurukuro naVaKingstone Jambawo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG