Accessibility links

MDC-T Inoti Yotarisira Kudzorwa kweMidziyo Yakabvutwa neChikonzi

  • Jonga Kandemiiri

Chikonzi chakaperekedzwa nemapurisa kunotora midziyo yeMDC-T.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC-T, inoti yave kutarisira kudzoserwa midziyo yayo yakatorwa nechikonzi nemusi weChishanu svondo rapera, mushure mekuita musangano nemagweta ari kumirira Muzvare Sally Dura, avo vanonzi havana kubhadharwa nebato iri panguva yavairishandira.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora vanoti sebato havana kumbobvira vakaona magwaro aibva kumagweta aMuzvare Dura ane chekuita nenyaya iyi.

"Tataura nemagweta anomirira Ms. Sally Dura vanonzi ivo vatine chikwereti navo, takaonesana nemagweta iwavo kuti hatina kumbobvira taona magwaro anobva kwavari.

"Ms. Dura vakaenda naTendai Biti, eeh, pakabuda Biti naMangoma muMDC vakabva vangoenda ikoko. Vanga vari member of staff ikoko. Isu hatina chatanga tichi dealer navo," VaMwonzora vanodaro.

Muzvare Dura vari kumirirwa nemagweta ekambani yeSibanda Mawere.

MDC-T inonzi ine chikwereti chemari inodarika zviuru zana zvemadhora kuna Muzvare Dura ichibva mumari dzemihoro yavasina kutambiriswa.

NeChishanu chapfuura, chikonzi chichiperekedzwa nemapurisa akanga akapakata zvombo, chakatsvaira mahofisi ebato rinopikisa iri chichitora midziyo inosanganisira masofa, matafura, makombiuta nezvimwe.

VaMwonzora vanoti midziyo yebato ravo yakatorwa nechikonzi chedare inokosha mari inodarika mazana matatu ezviuru zvemadhora.

Vanoti vanoona sekunge danho iri rakatorwa nechinangwa chekunyadzisa mutungamiri wavo, VaTsvangirai pamwewo nekukanganisa nhaurirano dzekuumba mushandirapamwe nemamwe mapato anopikisa hurumende.

Studio7 yaedza kunzwa divi remagweta eSibanda Mawere, asi mumwe wemagweta anonzi ari kufambisa nyaya iyi, VaAlec Muza, vati havana mvumo yekutaura nezvenyaya iyi nevatori venhau kubva kune wavari kumirira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG