Accessibility links

Mamwe Mapato Matsva Maviri Anonyuka

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri webato idzva reUnited Movements and Unions Party, Amai Violet Mariyacha

Vaimbove nhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaThabani Tigere, vaparura bato ravo rezvematongerwo enyika idzva rinonzi Economic National Democratic Party (ENDP) muHarare.

VaTigere, avo vane makore makumi matatu nemapfumbamwe ekuberekwa, vakaumba bato iri muna 2014, asi vanga vasati vari parura zviri pamutemo.

Vanoti bato ravo rakamirira hutongi hwejekerere, kusunungurwa kwehupfumi, uye kuparadzwa kwehurombo muvanhu kuburikidza nekuwaniswa kwemabasa nekumutsiridzwa kwemaindasitiri nekurima.

VaTigere, avo vakapinda mu MDC-T muna 2000, vakakwikwidza musarudzo yeMDC primary muna 2005 vachida kumirira bato iri musarudzo yemumiriri weGokwe/Nembudziya vakakundwa.

Vakazobuda mubato iri muna 2006.

VaTigere vanoti bato ravo rine nhengo mazana maviri nemakumi mashanu pari zvino, uye havasi kuzopinda mumibatanidzwa yemapato anopikisa iri kuumbwa nemamwe mapato anopikisa.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chiri kunze kwenyika, Amai Violet Mariyacha, vakazivisawo svondo rino kuti vachakwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika gore rinouya.

Amai Mariyacha vari kutungamirawo rimwe bato rinopikisa idzva rinonzi United Movements and Unions Party in Zimbabwe.

Kuvepo kwemapato matsva aya kunowedzera huwandu hwemapato anopikisa kudarika kumakumi kumakumi matanhatu nemashanu.

Bumbiro remitemo rinoti munhu anokwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika anofanirwa kunge aine makore makumi mana ekuberekwa.

Asi VaTigere vanoti iri harisi dambudziko kwavari nekuti panosvika sarudzo dzegore rinouya ivo vanenge vasvitsawo makore makumi mana ekuberekwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG