Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume vanoti sebato vanoona sekunge gwaro iri ragara richida kuvharidzira kuurayiwa kwakaitwa vanhu nemauto.
Vanachiremba vakuru ava vanoti vatora danho iri nekuda kwekuremerwa nebasa vari voga.
VaChiyangwa havana kuzopinda musarudzo dzepiri kana kuti run-off, mushure mekukanda nguwani mudariro vachisarenda, mushure mekukundwa mudariro rekutanga naVaKamambo.
Nhengo pfumbamwe dzesangano iri dzakasungwa neMugovera padzakasvika kuMacheke dzakazombochengetedzwa nemapurisa ekuMarondera asati avaisa mumaoko emagweta avo.
Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti Zanu PF yakapedza nguva yemusangano uyu isingataure nematambudziko akaita sekushaikwa kwemafuta ekufambisa munyika, kuramwa mabasa kwavana chiremba, pamwe nemamwe matambudziko ari kusunga nyika mbiradzakondo.
Matambudziko munyaya dzezvehutano munyika ari kuramba achiwedzera zvichitevera kuramwawo mabasa kwevanoshanda kunotorwa mifananidzo yema X-ray kutanga nemusi weChina.
Mamiriro ezvinhu munyika mune zvematongerwo enyika, zveupfumi, pamwe nezvehutano ave kuita kuti vakawanda vatye kudzoka kwezvakaitika muna 2008, apo vakawanda vakanonga svosve nemuromo nekuda kwekuoma kwezvinhu
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti zvinotambira nemufaro mukuru danho ratorwa nebazi rezvemukati meSouth Africa, rekunyevenutsa mutemo unobvumidza kupinda kana kubuda munyika iyi kwevana vari pasi pemakore gumi nemasere vanenge vachifamba vasina vabereki vavo kana mumwe mubereki.
VaMatemadanda vatiwo sesangano vari kukurudzira kudzikwa kwemutemo unoranga vanhu vanokurudzira kuiswa kwezvirango pamwewo nevanopomerwa mhosva yekukanganisa hupfumi hwenyika.
Vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende vapinda muzuva retatu vachiramwa mabasa, izvo zvaita kuti zvipatara zvehurumende zvitore matanho anosanganisira kuvhara mamwe mapoka anoona varwere, kuendesa kumba varwere vanokwanisa kurapwa vachibva kumba.
Tsaona iyi inonzi yaitika pakati perhorhi yekambani yeGreen Fuel yanga yakatakura nzimbe ne ombi yanga yakatakuta vanhu gumi nevanomwe iyo yanga ichibva kuChiredzi ichienda kuChipinge.
Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva reWorld Aids Day, sangano reNational Aids Council richicherechedza zuva iri kuburikidza nekuita mhemberero kuGlendale mudunhu reMazowe kuMashonaland Central.
VaBush, avo vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika muna 1988 mushure mekuve mutevedzeri wevaive mutungamiri wenyika iyi VaRonald Reagan kwematemu maviri, vakashayira kumba kwavo kuHouston mudunhu reTexas.
MDC yaratidzira muHarare mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vachiti bato ravo ratora danho iri senzira yekuratidza kusatambira kwavo kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakasarudzwa nevanhu, vachiti semaziviro avo VaMnangagwa vakasarudzwa nedare redzimhosva.
Imwe nyanzvi mune zveupfumi nemabasa inoti hurumende haina zvikuru zvairi kuita mukukwezva zvizvarwa zvenyaika zvine hunyanzvi zviri kunze kwenyika, panguva iyo Zimbabwe ichinzi haina nyanzvi dzemabasa mumapoka akawanda.
Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, rinoti ranyora tsamba kugurukota rezvevashandi nemabasa Amai sekai Nzenza, richinyunyuta nekudimurwa kwarinoti kwakaitwa mari dzevashandi vehurumende dzemabhonasi.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanonzi vakazivisa kuti hurumende yavo haina mari yekuzadzisa chivimbiso chayo chekuti ichabhadhara varimi vechichena vakatorerwa minda munguva yechirongwa chekudzosera ivhu kuvatema, icho chakanga chakazarawo nemhirizhonga.
Vechidiki vebato reZanu PF vanoti vari kukurudzira ruzhinji rweZimbabwe kuti rwuchengetedze midziyo nezvivakwa zvavo nemusi weChina svondo rino apo nhengo dzebato rinopikisa reMDC dziri kuronga kupinda mumigwagwa dzichiratidzira.
Kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika kunonzi kwave kukonzera kuti bhanga guru renyika re Reserve Bank of Zimbabwe rikundikane kubhadhara makambani emigodhi akatengesa goridhe rawo kuburikidza nekambani yeRBZ, yeFidelity Printers.
Rodhai zvimwe