Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa kwavanaChiremba veHurumende Kwokanganisa Mashandiro eZvipatara Zvikuru


vanachiremba vari kuramwa mabasa vachiratidzira
vanachiremba vari kuramwa mabasa vachiratidzira

Vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende vapinda muzuva retatu vachiramwa mabasa, izvo zvaita kuti zvipatara zvehurumende zvitore matanho anosanganisira kuvhara mamwe mapoka anoona varwere, kuendesa kumba varwere vanokwanisa kurapwa vachibva kumba, pamwe nekungobatsira varwere vanenge vari munjodzi huru chete.

Vanachiremba ava vari kukanda mapadza pasi vachinyunyuta nezvikonzero zvavanoti zviri kuvatadzisa kuita basa ravo nemazvo, pamwe nenyaya dzemihoro yavo.

Zvipatara zvehurumende zvinonzi zvabatwa nedambudziko iri ndezvinoti Parirenyatwa Group of Hospitals, Chitungwiza General Hospital, Mpilo General Hospital, United Bulawayo Hospitals, pamwe neGweru General Hospital.

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano Doctor Obediah Moyo kuti tinzwe pamire hurumende panyaya iyi.

Asi akafanobatana chigaro chemunyori mukuru wesangano ravanachiremba vehurumende, Doctor Mthabisi Anele Bhebhe vanoti vanachiremba vacharamba vari pakuramwa mabasa kusvika zvichemo zvavo zvavakasvitsa kuhurumende zvagadziriswa.

Doctor Bhebhe vanoti zvimwe zvasvitsa vanachiremba kuti vakande mapadza pasi inyaya yekuti hurumende haina kutevera chibvumirano chavo panyaya yekuti vatambiriswe mari dzavo dzemihoro nemari yekuAmerica uye kuti mari dzekubhadharwa kana vakashanda usiku dziwedzerwe kubva pamadhora manomwe kuenda pamadhora gumi paawa.

Hurukuro naDoctor Mthabisi Anele Bhebhe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, masangano evashandi vehurumende ari pasi pesangano reApex Council, aitawo musangano wekugadzirira hurukuro dziri kutarisirwa pakati pevashandi nehurumende nemusi weChina dzakanangana nezvinyunyuto zvevashandi panyaya dzemabhonasi avo pamwe nemihoro yavo.

VaCharles Chinosengwa, vanove munyori anoona nezvekurongwa kwemabasa musangano reApex council, vanoti vamiriri vemasangano evashandi vari kusanganawo neChipiri kuti vazeyewo nezvematambudziko evashandi pamwe nematanho ekutora kuenda mberi.

Hurukuro naVaCharles Chinosengwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG