Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo Vokurudzira Kuvandudzwa kweMutemo Unotara Makore eVanokwikwidza Sarudzo yeMutungamiri weNyika


Munyori mukuru wesangano revakarwa hondo, VaVictor Matemadanda
Munyori mukuru wesangano revakarwa hondo, VaVictor Matemadanda

Sangano revakarwa hondo yerusununguko, reZimbabwe National Liberation War Veterans Association riri kukurudzira kuvandudzwa kwemutemo wemakore evanhu vanoda kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

Sangano iri riri kuda kuti makore aya abve pamakore makumi mana kuenda pamakore makumi mashanu nemaviri ekuberekwa.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, munyori mukuru wesangano iri, VaVictor Matemadanda, vati sangano ravo riri kuda kuti mutemo uyu uvandzwe kuitira kuti ani nani zvake anokwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, ange ari munhu abva zera zvekunzwisisa hudzamu hwezvinorehwa nekutungamira nyika.

VaMatemadanda vatiwo sesangano vari kukurudzira kudzikwa kwemutemo unoranga vanhu vanokurudzira kuiswa kwezvirango pamwewo nevanopomerwa mhosva yekukanganisa hupfumi hwenyika.

Studio7 yakundikana kubata VaMatemadanda kuti tinzwe zvizhinji.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti hurongwa hwekuvandudza makore evanoda kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika uhwu hwakanangana chete nekuda kurambidza mutungamiri webato ravo, VaChamisa.

VaChamisa vave nemakore makumi mana ekuberekwa.

Muna Mbudzi wegore rino, munyori anoona nezvekuchengetedzwa kwenyika muZanu-PF, VaLovemore Matuke, vakakurudzirawo kuti mutemo uyu uvandudzwe, vachipomera VaChamisa mhosva yekuita zvehupwere mushure mekukundwa musarudzo nemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti Izvi zvinogona kuita kuti mutemo uyu usanetse kuvandudza sezvo bato riri kutonga ragarawo richida kuti uvandudzwe, uye riine huwandu hwunokwanisa kutambira kwevandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika mumatare ose eparamende ari maviri anoti reNational Assembly neSenate.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG