Accessibility links

Breaking News

VaChiyangwa Vanokundwa muSarudzo yeMutungamiri weZIFA


VaPhillip Chiyangwa vakasarudzwa kutungamira ZIFA muna 2016.
VaPhillip Chiyangwa vakasarudzwa kutungamira ZIFA muna 2016.

Vakambotambira chikwata cheMhangura FC, VaFelton Kamambo ndivo vave mutungamiri weZIFA mutsva mushure mekukunda VaPhilip Chiyangwa musarudzo dzaitwa neSvondo muHarare.

VaKamambo vawana mavhoti makumi matatu nemashanu, VaChiyangwa vakawana mavhoti makumi maviri nemana.

Asi VaChiyangwa havana kuzopinda musarudzo dzepiri kana kuti run-off, mushure mekukanda tauro mudariro vachisarenda, izvo zvazoita kuti VaKamambo vabude vari ivo vakunda.

Sarudzo dzepiri dzanga dzichifanirwa kuitwa sezvo VaKamambo vanga vasina kukwanisa kuwana mavhoti anoita kuti vakunde kamwe chete.

Vanga vari mutewedzeri waVaChiyangwa, VaOmega Sibanda vakundwawo naVaGift Banda musarudzo yekutsvaga mutewedzeri wemutungamiri wesangano renhabvu yemunyika iri.

Vamwe vasarudzwa kutora zvigaro mubhodhi reZIFA ndaVaSugar Chagonda, VaPhilemon Machana, VaChamu Chiwanza, pamwe naVaBrighton Malandule.

VaChiyangwa vakapinda panyanga muna 2018 mushure mekutora chigaro kubva kuna VaCuthbert Dube.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG