Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mutungamiri weAmerica, VaGoerge H. W. Bush Vanoshaya


Vakambove mutungamiri weAmerica VaGeorge H. W. Bush vakashaya vave nemakore makumi mapfumbamwe nemana ekuberekwa.

Vakave mutungamiri weAmerica wechimakumi mana nemumwe, VaGeorge H.W. Bush vakashaya neChishanu vave nemakore makumi mapfumbamwe nemana ekuberekwa.

VaBush, avo vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika muna 1988 mushure mekuve mutevedzeri wevaive mutungamiri wenyika iyi VaRonald Reagan kwematemu maviri, vakashayira kumba kwavo kuHouston mudunhu reTexas.

Kushaya kwaVaBush kunouya mwedzi minomwe mushure mekushaya kwemudzimai wavo, Amai Barbara Bush, avo vakashaya muna kubvumbi gore rino.

Rufu rwavo rwunonzi rwakaziviswa nemwanakomana wavo, VaGeorge W. Bush, avo vakambovewo mutungamiri weAmerica.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF muAmerica, VaFrenk Guni vanoti America nepasi rose zvarasikirwa zvikuru nekushaya kwaVabush uku, sezvo vanga vari denhe reruzivo.

“Munhu akanga ari gamba muno muAmerica, nekuti vachiri mudiki vaibhururutsa ndege dzehondo, vakambopfurwa kuPacific uko vakadonha asi vakararama imomo.

"Vakaitawo mutevedzeri wemutungamiri wenyika kuno uku naVaReagan vakazosarudzwa vakatonga. Hutonga hwavo hwakaita hupfupi zvahwo asi hwakanga huchifarirwa nemaAmericans.”

Asi VaGuni vanoti kunyange hazvo VaBush vaidiwa nevanhu, pane pano nepapo pavanoshorwawo panosanganisira hondo yeku Iraq yekutanga ya1991.

“Zvinonyanya kushorwa panaVaGeorge Bush inyaya yekutumira mauto kunopamba kana ku invader Panama. Asi takadzokera kumashure muhutongi hwavo, semunhu akatonga kwenguva pfupi, vazhinji vakanga vaine chiremekedzo navo chaizvo,” VaGuni vanowedzera.

VaBush vakarwa muhondo yepasi rose yechipiri vari mutyairi wendege dzehondo.

Chakakonzera kushaya kwavo hachina kunge chaziviswa.

Hurukuro naVaFrenk Guni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG