Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vapfumbamwe Vanoshaya muTsaona kuChecheche kuChipinge


Tsaona dzemimugwagwa dziri kuwanda munyika panguva iyo patarisanwa nezororo reKisimusi.
Tsaona dzemimugwagwa dziri kuwanda munyika panguva iyo patarisanwa nezororo reKisimusi.

Vanhu vapfumbamwe vanonzi vashaya vamwe vasere vakakuvara, vamwe vavo zvakaipisisa, mutsaona yemumugwagwa yaitika masikati eSvondo pedyo nechikoro cheGwitika, kuChecheche, kuChipinge mudunhu reManicaland.

Tsaona iyi inonzi yaitika pakati perhorhi yekambani yeGreen Fuel yanga yakatakura nzimbe ne ombi yanga yakatakuta vanhu gumi nevanomwe iyo yanga ichibva kuChiredzi ichienda kuChipinge.

Mumwe wevanhu vatanga kusvika panzvimbo yaitikira tsaona iyi, VaClaris Madhuku, vanove zvakare mukuru wesangano rePlatform for Youth Development, vanoti vanofunga kuti tsaona iyi yakonzerwa nekuda kwekusamira zvakanaka kwemugwagwa.

VaMadhuku vanoti vanhu vakuvara vamhanyiswa pakirinika iri pedyo yeSt. Peters, kuchitiwo vanyanya kukuvara pamwe chete nevashaya vaendeswa kuchipatara cheChiredzi.

Vanoti vagari vari kurwadziwa zvikuru nekuda kwetsaona iyi, izvo zvaita kuti vatange kuratidzira vachirambidza motokari dzeGreen Fuel kufamba mumugwagwa uyu, zvazoita kuti pamurisa anodzivirira mhirizhonga ashevedzwe.

Hurukuro naVaClaris Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudzawo Studio 7 vanga vasati vave kuburitsa zvakawanda pamusoro petsaona iyi sezvo mapurisa anga achiri kuferefeta zvingadai zvaikonzeresa.

Asi VaNyathi vanoti tsaona iyi inogona kunge yakonzereswa nekushaya hany’a kwemumwe wevatyairi vaviri ava.

Vanoti kombi iyi yanga yakatakura vanhu gumi nevanomwe asi iyo ichifanirwa kutakura vanhu gumi nevashanu chete.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rekambani yeGreen Fuel panyaya iyi.

Tsaona iyi inoitika zuva rimwe chete imwe tsaona yemumugwagwa yakonzeresa kukuvara kwevanhu gumi nevashanu neMugovera kuMasvingo apo bhazi reIntercape rakanga richibva kuSouth Africa richienda kuMalawi rakabheuka pedyo neNyanda.

Hurukuro naAssistant Commissioner Paul Nyathi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG