Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, rinoti ranyora tsamba kugurukota rezvevashandi nemabasa Amai sekai Nzenza, richinyunyuta nekudimurwa kwarinoti kwakaitwa mari dzevashandi vehurumende dzemabhonasi.
Hurumende yaburitsa gwaro rinozivisa nezvemazuva achatambirwa mabhonasi aya nevashandi vayo kutanga Chitatu kusvika Chishanu svondo rino, asi ichiti vachapiwa mabhonasi avo pamari dzemihoro yavo yepamwedzi chete, isingasanisiri bhonasi pamari dzekubatsirika.
Sachigaro weApex Council Amai Cecilia Alexander vanoti sevashandi vari kusangana nemusi weChina kuti vataurirane pamusoro penyaya yebhonasi iyi pamwe nekutsvaga nzira yekutora kuenda mberi.
Vanoti vashandi vashungurudzwa zvikuru nedanho rehurumende rekungoita zano ndega isinawo kuvapa mukana wekugara pasi navo kuti vatange vawirirana.
Studio 7 yakundikana kubata Amai Nzenza kuti inzwewo divi rehurumende panyaya iyi.
Facebook Forum