Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vashandi Vobatana neMadhokotera Kuramwa Mabasa


Vashandi vekuboka rema X-ray vanonzi vakabatanawo navanachiremba mukuramwa mabasa.
Vashandi vekuboka rema X-ray vanonzi vakabatanawo navanachiremba mukuramwa mabasa.

Matambudziko munyaya dzezvehutano munyika ari kuramba achiwedzera zvichitevera kuramwawo mabasa kwevanoshanda kunotorwa mifananidzo yema X-ray kutanga nemusi weChina.

Vanachiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo vapindawo muzuva rechinomwe vachiramwa mabasa vachida kuti hurumende igadzirise mashandiro avo pamwe nekuvawanisa zvekushandisa pamabasa avo.

Vanachiremba ava vanotiwo vanoda kuti hurumende itarise zvakare mari dzavo dzemihoro nekubatsirikana uye varerutsirwe pavanopinza munyika motokari dzavanenge vatenga kunze.

Kuramwa mabasa kwevashandi vemuzvipatara zvehurumende uku kunonzi kuri kurwadzisa zvikuru varwere, avo vave kudzoserwa kudzimba dzavo.

Mutauriri wesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Doctors for Human Rights, Doctor Fortune Nyamande, avo vari ku Umea, ku Sweden, vanoti sesangano vari kukurudzira kuti mapazi ehurumende ane chekuita nematambudziko ari mune zvahutano aya agare pasi nekukasika varwere vasati vanyanyoomerwa nehupenyu.

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG