Imwe nyanzvi mune zveupfumi nemabasa inoti hurumende haina zvikuru zvairi kuita mukukwezva zvizvarwa zvenyaika zvine hunyanzvi zviri kunze kwenyika, panguva iyo Zimbabwe ichinzi haina nyanzvi dzemabasa mumapoka akawanda.
Mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey kanyenze, vanoti nemamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi, hapana munhu ari kunze kwenyika angada kusiya hupenyu hwaagere hwakanaka achizvikanda mumukanwa mamupere.
Hurumende kuburikidza nebazi rezvedzidzo yepamusoro muna Chivabvu gore rino yakaburitsa gwaro reongororo pamusoro pekushomeka kwevanhu vane hunyanzvi munyika, kana kuti National Skills Audit Report, iro rinoratidza kuti mapoka akawanda anosanganisira rezvehutano, reScience and Technology nerekurima, akatarisana nedambudziko rekushaikwa kwevanhu vane hunyanzvi.
Mutungamiri wenyika Vaemmerson Mnangagwa vaikurudzirawo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvidzoke kumusha kuzosimudzira nyika.
Asi Doctor Kanyenze vanoti mwedzi minomwe mushure mekuparurwa kwegwaro iri hapana vari kunze vati varatidza kuzvipira kudzoka kunoshanda kumusha nekuda kwematambudziko anosanganisira kushaikwa kwemari, kushaikwa kwemafuta nezvimwe zvakadaro.
Facebook Forum