Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeARTUZ Dzakasungwa Dzomirira Kunzwa Zvichabuda muDare neMuvhuro


Nhengo dzesangano revarairidzi reARTUZ dziri kufamba netsoka kubva kwaMutare kuenda kuHarare.
Nhengo dzesangano revarairidzi reARTUZ dziri kufamba netsoka kubva kwaMutare kuenda kuHarare.

Varairidzi vari pasi pesangano reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, avo vave muMarondera vachifamba netsoka kubva kwaMutare kuenda kuHarare, vanoti neSvondo havana kufamba sezvo vakamirira kunzwa kuti vamwe vavo vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neMuvhuro vachabuda sei.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano iri Amai Gaudencia Mandiopera vanoti vatorawo mukana wekuzorora pamwe nekusimbisa vamwe vavo vanosanganisira mutungamiri wesangano VaObert Masaraure pamwe neimwe nhengo yekomiti, VaRobson Chere, vari kutarisirwa kumira pamberi pedare Muvhuro mangwanani.

Nhengo pfumbamwe dzesangano iri dzakasungwa neMugovera padzakasvika kuMacheke dzakazombochengetedzwa nemapurisa ekuMarondera asati avaisa mumaoko emagweta avo.

Sangano iri rinoti nhengo dzaro dziri kufamba netsoka kubva kwaMutare kuenda kuHarare kunosvitsa zvichemo zvinosanganisira kuti varairidzi vatambiriswe mari yemadhora ekuAmerica, kwete kupihwa ma bond note.

Amai Mandiopera vanotiwo vari kufadzwa nerutsigiro rwavari kuwana kubva kune vamwe vashandi vehurumende.

Hurukuro naAmai Gaudencia Mandiopera
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG