Chikwata cheFC Platinum ndicho chakatora mukombe wemwaka uno chichipedza chiine mapoinzi makumi manomwe nemasere, chichiteverwa neNgezi Platinum FC, iyo ine mapoinzi makumi matanhatu nemashanu.
Asi nyanzvi iyi, VaCallisto Jokonya, inoti chasara chete kuona kuti zviri kukurudzirwa kuti zviitwe kuti hupfumi husimukire zvinoteverwa here nehurumende sezvo ichizivikanwa nekushandisa mari zvisina mwero.
Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti bhajeti rakaturwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, harizadzise tariso yevashandi pamwe nevarombo.
Hurukuro yakaitwa neStudio 7 yakabatana neMedia Centre muHarare neChitatu yekutarisisa mazuva zana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatora mhiko yekutungamira nyika yakaratidza kuti vanhu vane maonero akasiyanasiyana.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kunyunyuta nedanho rehurumende yenyika iyi rekuronga kuramba kupa magwaro ekuzvarwa kuvana vane vabereki vasiri zvizvazvarwa zvenyika iyi.
Gurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vari kutarisirwa nemusi weChina svondo rino kuparura bhajeti ravo rekutanga vari gurukota, rinove bhajeti regore ra 2019.
Chikwata chemaWarriors charasa mukana wekuti chipinde mumafainari eAfrica Cup of Nations mushure mekurohwa 1-0 neLiberia mumutambo watambirwa kunhandare yeSamuel Doe kuMonrovia kwakare kuLiberia manheru eSvondo.
Izvi zvinotevera kuparurwa kwakaitwa nekanzuru svondo rapera chirongwa chekuchenesa guta kuburikidza nekutsvaira Chishanu chekupedzisira mumwedzi wega-wega.
Vanoti chikuru chakaita kuti vapinde mukuratidzira uku kusafara kwavo nekwavanoti kukundikana kwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuzadzisa zvayakavimbisa vanhu munguva yesarudzo.
Rakwana gore mauto munyika apindira mukubvisa pachigaro vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe achipomerwa mhosva yekuparadza upfumi hwenyika pamwe nekukonzeresa kutambura kukuru kweveruzhinji munyika.
Rave gore vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabviswa nemauto pachigaro pachiiswa VaEmmerson Mnangagwa vachipomerwa mhosva yekuparadza upfumi hwenyika pamwe nekukonzeresa kutambura kukuru kweveruzhinji munyika.
Vatungamiri vesangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council vari kutarisirwa Chitatu chesvondo rino kuita musangano nevamiriri vehurumende wekuzeya mashandiro evashandi vehurumende.
Kanzuru yeguta reHarare inoti neMuvhuro iri kuparura chirongwa chekuchenesa guta icho chichaona musi weChishanu wekupedzisira mumwedzi wega wega uchisendekwa parutivi sezuva rekuchenesa guta.
Mutungamiri wesangano iri VaObert Masaraure vanoti zvinyunyuto zvikuru zviri kususukidzwa nevarairidzi ndezvekuti vabhadharwe mari yemihoro nemari yekunze yekuAmerica vachiti yavari kupiwa haichavakwanira.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Doctor Chipo Dendere, vanoti vari kufara zvikuru nehuwandu hwevanhukadzi vakakwikwidza uye kukwanisa kukunda musarudzo dzepakati petemu dzakaitwa muAmerica neChipiri.
America yakapinda musarudzo dzepakati petemu yehurumende neChipiri idzo dzakaona bato reDemocratic Party richikunda reRepublican Party zvine mutsindo musarudzo dzedare reparamende repasi kana kuti reHouse of Representatives.
Sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti riri kuenda kumapurisa nhasi kuti rizive paamire pachiziviso charakasvitsa kumapurisa chekuti riri kuda kuratidzira nemusi weChishanu svondo rino kuburikidza nekufora migwagwa yemuguta reHarare.
Bato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa raramba mashoko ari kutenderera mumadandemutande ekuti radzinga kanzura weBulawayo VaTinashe Kambarami mushure mekunge vasarudzwa zvakare semutevedzeri wameya vasina kukwikwidzwa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika kuGuinea, uko vari kushanya kwemazuva maviri. Nhepfenyuro yeZBC inoti VaMnangagwa vatambirwa panhandare yeConakry Gbessia International nemutungamiri weGuinea, VaAlpha Conde.
Gungano iri rabatanidzwawo nemhemberero yekucherechedza zuva rekuberekwa kwemukuru wekereke yeZCC, Bishop Nehemiah Mutendi pamwe naVaMnangagwa, avo vakaberekwa vose musi wa 15 Gunyana.
Rodhai zvimwe