Accessibility links

Breaking News

Liberia Inomisa Mufaro Wanga uri Mukamba yeChikwata chemaWarriors


Chikwata chema Warriors chinogona kukundikana kuenda kumafainari eAfrica Cup of Nations kana chakatadza kurova Congo mumutambo wacho wekupedzsira wasara. (Photo: CAF)
Chikwata chema Warriors chinogona kukundikana kuenda kumafainari eAfrica Cup of Nations kana chakatadza kurova Congo mumutambo wacho wekupedzsira wasara. (Photo: CAF)

Chikwata chemaWarriors charasa mukana wekuti chipinde mumafainari eAfrica Cup of Nations mushure mekurohwa 1-0 neLiberia mumutambo watambirwa kunhandare yeSamuel Doe kuMonrovia kwakare kuLiberia manheru eSvondo.

Zimbabweyanga ichingoda kuita mangange chete neLiberia kuti ibudirire, asi iyo yazopedzisira yorohwa nechibodzwa chimwechete, izvo zvakanda tarisiro yeruzhinji rwunotevera nhabvu mudondo.

Izvi zvasiya Zimbabwe yave pamusoro pegungano re Group G iri nepindi imwe chete pamusoro peLiberia iyo yave nemapoinzi manomwe.

Mune mumwe mutambo weGroup G, DRC neCongo dzaita mangange 1-1.

Zimbabwe ichasangana neCongo mumutambo wayo wekupedzisira, uyo uchange uchinongedza pachasara pamire chikwata chemaWarriors mumakwikwi eAfrica Cup of Nations aya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG