Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanopinda Mukuratidzira Vachida Kubhadharwa Mihoro neMari yekuAmerica


Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure
Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure

Sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, rinoti nhengo dzaro dzinosvika zvikamu makumi masere nezvishanu kubva muzana dzateerera kurudziro yaro yekuti dzikande mapadza nemusi weChina neChishanu senzira yekuratidza kunyunyuta kwadzo nemabatirwo adzinoti dziri kuitwa nehurumende.

Mutungamiri wesangano iri, VaObert Masaraure, vanoti zvinyunyuto zvikuru zviri kususukidzwa nevarairidzi ndezvekuti vabhadharwe mari yemihoro nemari yekunze yekuAmerica vachiti yavari kupiwa haichavakwanira.

Vanotiwo vanofara nevemamwe masangano evashandi vehurumende avapa rutsigiro mukuratidzira kwavo uku, uye vanotarisira kuti neChishanu varairidzi vakawanda vachabatana navo muzuva repiri rekuramwa mabasa iri.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Ukuwo, rimwe sangano revarairidzi, re Progressive Teachers’ Union of Zimbabwe, rinotiwo nhengo dzaro dzapiwa mvumo nemapurisa yekupinda mumigwagwa muHarare neChishanu dzichiratidzirawo nemabatirwo adzinoti dziri kuitwa nehurumende.

Munyori mukuru wesangano iri, VaRaymond Majongwe, vanoti vakaita musangano nemapurisa neChitatu vakazopiwa mvumo mushure mekubhadhara madhora mazana mana nemakumi mashanu emadhora kumapurisa, mari yavanoti ndeyekuti vakwanise kuchengetedzwa nemapurisa pavanenge vachifora.

VaMajongwe vanoti nhengo dzavo dzichafora dzichanosiya magwaro enyunyuto kukambani yePremier Service Medical Aid Society, kubazi rezvevashandi nekubazi rezvemari.

Vanoti zvinyunyuto zvavo zvikuru zviri pamusoro pemabatirwo ari kuitwa varairidzi nekambani yePSMAS, iyo inovabatsira nenyaya dzekurapwa, uye kuhurumende, iyo iri kuvapa mihoro nemari yemunyika, iyo vanoti haichatenga chinhu.

VaMajongwe vanoti varairidzi, sevashandi vese vehurumende, vari kudawo kuti vabhadharwe mihoro nemari yekuAmerica, sezvo kwese kwavanoenda vachida kurapwa kana kutenga mishonga vachinzi vabhadhare nemari yekuAmerica.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sangano rinomirira vashandi vehurumende vose, reApex Council rinonzi rakati harineyi nechekuita nekuramwa mabasa kuri kuitwa nemasangano maviri aya.

Sachigaro veApex Council, Amai Cecilia Alexander vakaudza bepanhau reHerald kuti sangano ravo rinotungamidza mberi nhaurirano nevashandirwi, zvinove zvavanoti vachiri kuita pari zvino.

Asi masangano maviri aya anotiwo haaneyi nechekuitawo neApex Council, achiti yakundikana kubatsira vashandi vehurumende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG