Accessibility links

Breaking News

Gurukota reZvemari VaMthuli Ncube Votarisira Kuparura Bhajeti Richabatsira Veruzhinji


Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kutarisirwa kuparura hurongwa hwemashandisirwo emari mugore ra2019.

Gurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vari kutarisirwa nemusi weChina svondo rino kuparura bhajeti ravo rekutanga vari gurukota, rinove bhajeti regore ra 2019.

Vakawanda mumapoka ezvehupfumi neveruzhinji vanoti vane tarisiro huru kwazvo yekuti bhajeti iri richaisa mberi nduramo yeveruzhinji, sezvo vakawanda vavo vachipomera hurumende mhosva yekudya mari zvese nemhutwa.

Ko VaNcube vachabudirira here kuenzanisa mashandisirwo emari nehurumende nemari iri kupinda muhomwe yayo?

Vaimbove gurukota rezveupfumi muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti vanogara vachitaura kuti hurumende inofanirwa kudya chayabaya, kwete kurongera nemhuka ichiri kufura zvayo sora musango.

Izvi zvinobva mumashandisirwo anonzi nevakawanda anoitwa mari nehurumende, iyo inopomerwa zvakare mhosva yekushandisa mari zvisina mwero kuzvinhu zvisingabatsire nyika.

Izvi ndizvo zviri kuita kuti vakawanda vade kutevera bhajeti richaparurwa naMuzvinafundo Ncube nemusi weChina, kuti vaone kana paine musiyano nemamwe makurukota ezvemari anonzi aipedzera miseve kumakunguwo.

Mukuru wesangano ravanamuzvinabhizimusi, reEmployers’ Confederation of Zimbabwe, (EMCOZ), VaJohn Mufukare vanowirirana nemashoko aVaBiti ekuti hurumende idzore mashandisiro ayo emari yainowana, vachiti inofanirwa kunangana nezvinovaka nyika.

"Tinoda kuti hurumende idzore expenditure yayo, ishandise zvakanaka mari yainowana kubva kumitero."

VaMufukare vanotiwo hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya yevanhu vanonzi vashandi asi vasipo, kana kuti ma ghost workers.

Izvi zvinotsinhirwawo neyanzvi mune zveupfumi, vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, avo vanotiwo veruzhinji vari kuda kuona kuti VaNcube vachaita sei nemutero wezvikamu zviviri kubva muzana wavakaparura mwedzi mishoma yadarika, uyo vanoti uri kurwadzisa vakawanda.

"Vanhu vanoda kuona kuti vachaita sei nemutero we 2 percent. Chepiri, mari iri kushandiswa nehurumende haisi kuenderana nemari iri kupinda muhomwe yayo. Tinoda kuona kuti vachaita sei kuti vadzikise mari dzinoshandiswa nehurumende bekuti mari iri kuwanikwa nehurumende iri kuenda kumihoro yevashandi vay," Doctor Kanyenze vanodaro.

Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti dambudziko riripo nehurumende nderekuti haiteveri zvinobva kuvarombo. VaMoyo vanoti vanhu vakataura kare pfungwa dzavo nezvavanoda kuti zviiswe mubhajeti regore rinouya iri.

VaMoyo vanotiwo bhajeti iri rinofanirwa kusiyana netsika yekuita semwamwe mabhajeti adarika, ayo aiwanza mari kumapazi akaita semauto nemapurisa asi achinyima mapazi anonangana nehupenyu hwevanhu akaita serehutano neredzidzo.

"Vashandi vakataura zvavanoda paitenderera hurumende ichinzwa pfungwa dzedu. Vanoda bhajeti inokoshesa hupenyu hwevanhu, kwete kuendesa mari yakawanda kumauto kana mapurisa pamberi pemapazi akaita sehutano nedzidzo."

VaMoyo vanotiwo nyaya yemutero we 2 percent inofanirwa kugadziriswa uyeVaNcube vanofanirwa kuzadzisa vimbiso yavo yekubvisa ma bond note.

Mumiriri weMakonde muparamende vari zvakare sachigaro wekomiti yezvekudyidzana nedzimwe nyika, vari nhengo yeZanu PF, VaKindness Paradza, vanoti vanotarisira kuti bhajeti raVaNcube iri richapa mari kumapazi anoshanda nevanhu akaita serehutano, rekurima, pamwe nebazi ravo rezvekudyidzana nedzimwe nyika kuitira kuti vabudirire munhaurirano dzekuti nyika itange zvakare kudyidzana nedzimwe nyika.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti vanoona sekunge Muzvinafundo Ncube vakauya neshanduko huru kwazvo mune zveupfumi, iyo vanoti iri kuedza kuti nyika ibude kubva mumadhaka mairi.

VaChirumhanzu vanokurudzirawo veruzhinji nevemakambani kuti vatange vamirira kunzwa zvichaburwa negurukota rezvemari vasati vatanga kutaura zvakaipa pamusoro pebhajeti ravo.

Kunyange hazvo vakuru vakati usiku humwe hahuodze nyemba, vamwe vana veZimbabwe vatononokerwa nekunzwa zvichaburwa mugapu raMuzvinafundo Ncube, kunyange hazvo vamwe vatotanga kare kuti rinenge richabika mbodza.

Asi vakuru vakatiwo usashore mbodza neinozvimbora. Bhajeti raMuzvinafundo Ncube rinogona kuve iro mushonga wakamirirwa wekurapa nyika mune zveupfumi.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG