Accessibility links

Breaking News

Vamwe Votadza Kuona Shanduko Mune zveHupfumi Kubva Zvabviswa VaMugabe paChigaro


Vanhu vakawanda vakapembera mushure mekunge mauto abvisa VaRobert Mugabe vachitsiviwa naVaEmmerson Mnangagwa
Vanhu vakawanda vakapembera mushure mekunge mauto abvisa VaRobert Mugabe vachitsiviwa naVaEmmerson Mnangagwa

Rave gore vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabviswa nemauto pachigaro pachiiswa VaEmmerson Mnangagwa vachipomerwa mhosva yekuparadza upfumi hwenyika pamwe nekukonzeresa kutambura kukuru kweveruzhinji munyika.

Asi zvinhu zvakagadzirisika here pagore rimwechete iri kana kuti zviri kuda nguva yakareba yekuti zvitange zvakare kufamba?

Zvinhu mune zvehupfumi zvakamboratidzika sezvakanga zvave kunaka mushure mekupindira kwemauto, izvo zvakamboita kuti zvitoro zvemunyika zviwanokwe chero chinhu chaidiwa nemunhu.

Asi mushure mesarudzo dzakaitwa gore rino zvinhu zvakatanga zvakare kusunga, zvinhu zvichishaikwa muzvitoro, mari yekunze ichinetsa kuwana, mafuta edzimotokari achishaikwa. Izvi zvakaita kuti mitengo yezvinhu munyika ikwire zvisina mukare akamboona.

Boka reZimbabwe Statistical Agency kana kuti ZimStat rinoti mitengo yezvinhu yakatokwira nezvikamu zvinodarika zvishoma gumi nezvitanhatu mumwedzi wa Gumiguru, kunyange hazvo mamwe mapoka ari kuti mitengo yezvinhu yakanga yambokwira iyi yave kuderera uye zvinhu zvizhinji zvave kuwanikwa zvakare munyika.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera vanoti hapana chakashanduka kubva pakabviswa VaMugabe pachigaro, vachiwedzera vachiti kana paine shanduko ingatoreva kuti zvinhu zvakatowedzera kuoma.

"Tingati chakaitika, pakaita vimbo yekuti paizova neshanduko asi takatarisa kuti gore rapera hapana chatati taona chashanduka. Eeh, zvinhu zvichakaomera vana veZimbabwe. dzimwe nguva pamwe pacho zvatowedzera kuoma kudarika zvazvanga zviri gore rapera," VaKuchera vanodaro.

Vemabhizimusi vakawanda, avo vari kugaro chemachema kuti havasi kuwaniswa mari yekunze yavanoda kuti vakwanise kupinza munyika zvekutengesa nekugadzirisa zvimwe zvinhu, vanotiwo havasi kunzwisisa kuti zvinhu zvakanangepi pane ino nguva.

Mumwe wevanhu ava mutungamiri wesangano ravanamuzvinabhizimusi, reEmployers’ Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare.

"Hatichazivi zano nekuti officially tiri kunzwa kuti economy iri kuita zvakanaka, asi at the same time tinonzwa futi kuti some of the problems dziri kuitika dziri kuitika dzimwe nguva tinonzwa it's because of the economic growth," vanodaro VaMufukare.

Izvi zvinoonekwawo nekuwanda kwemakambani ari kutatarika munguva iyo hurumende iri kuti hupfumi hwenyika huri kusimukira.

Vashandi vakawanda vanoti havachakwanisa kuririritira mhuri dzavo nekuda kwekuoma kwaita hupenyu, izvo zvave kuita kuti vade kubhadharwa nemari yeku America kuitira kuti vafambirane nemamiriro akaita zvinhu. Varairidzi vakatotanga kuratidzira vachida kuti vawedzerwe mari dzemihoro, uye kuti vatambiriswe mari yeku America.

Mutevedzeri wemunyori mukuru musangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaThomas Masvingwe vanoti vashandi vakatonyanya kuomerwa nehupenyu mumwedzi gumi nemiviri iyoyi.

hapana shanduko yataona yaunzwa nekubviswa kwaVaMugabe. Shanduko yataona ndeyekuti kutambudzika kwevashandi nevarombo kwatonyanyisa," VaMasvingwe vanodaro.

Asi munyori mukuru werimwe sangano rinomirira vashandi re Zimbabwe Industrial Revolution Worker's Federation, VaPascoe Ekemu Chakanetsa, vanoti vane maonero akasiyana nevamwe vatauri vose avo, sezvo zvinhu zvakaratidza kujeka kubva pakapinda hurumende yaVaemmwerson Mnangagwa panyanga.

VaChakanetsa vanoti makambani akawanda akanga akavharwa ari kuvhurwa, izvo zviri kuwanisa vashandi vakawanda mabasa.

"Shanduko dzevashandi dzaunzwa nehurumende iyi ndedzekuti tave nechiedza chekuti makambani mamwe anga akavhara mamwe avhurawo, mamwe ari kutanga kuvhurwa, kunana Bulawayo, kunana Gwanda," VaChakanetsa vanojekesa.

Asi vamwe vanoti kusvika zvinhu zvaratidza kugadzikana kuburikidza nekuderera kwemitengo yezvinhu, kukwira kwemari dzinotambirwa nevashandi, pamwe nekuwanikwa kwemari yekunze nevemabhizimusi, vakawanda vacharamba vachiona sezviroto zvisingabatiki zvekuti VaMugabe ndivo vakanga vakasunga zvinhu mune zveupfumi.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG