Accessibility links

Breaking News

Sangano reHarare Residents Trust Rokurudzira Kanzuru yeHarare Kuti Inzwewo Pfungwa dzeVagari


Mutauriri wekanzuru yeHarare VaMichael Chideme, kuruboshwe.
Mutauriri wekanzuru yeHarare VaMichael Chideme, kuruboshwe.

Rimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare reHarare Residents Trust rinoti kanzuru yeHarare haina hany’a nekunzwawo pfungwa dzevagari isati yaparura zvirongwa zvekugadzirisa guta.

Izvi zvinotevera kuparurwa kwakaitwa nekanzuru svondo rapera chirongwa chekuchenesa guta kuburikidza nekutsvaira Chishanu chekupedzisira mumwedzi wega-wega.

Mukuru wesangano reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti chirongwa chekuchenesa guta chirongwa chakanaka, asi zvaidawo kuti kanzuru inzwewo pfungwa dzevagari isati yaparura chirongwa ichi.

Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanoti vanotarisira kuti vagari, vemakambani pamwe nevemasangano akazvimirira vachabatana nekanzuru mukuchenesa nzvimbo dzavanogara pamwe nekushandira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG