Accessibility links

Breaking News

Mwaka weNhabvu weCastle Lager Premier Soccer League Unosvika kuMagumo.


Mitambo yeCastle Lager Premier League yasvika kwamvura yacheka makumbo.

Makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League asvika kwamvura yacheka makumbo neMugovera mitambo yatambwa munyika ichibuda yakadai seizvi…

Nichrut 3- Dynamos 0

Caps United 0 Chapungu United 0

Ngezi Platinum 0 Black Rhinos 1

ZPC Kariba 0 Bulawayo Chiefs 0

Shabanie Mine 0 Herental 4

Chicken Inn 1 Triangle United 1

Yadah 1 Harare City 1

Mutare City 0 Bulawayo City 0.

Chikwata cheFC Platinum ndicho chakatora mukombe wemwaka uno chichipedza chiine mapoinzi makumi manomwe nemasere, chichiteverwa neNgezi Platinum FC, iyo ine mapoinzi makumi matanhatu nemashanu.

Highlanders FC iri pachinzvimbo chechishanu, kuchitiwo Caps United FC yakapedza iri pachinzvimbo chechisere.

Dynamos FC, iyo yakapona neburi retsono kuburitswa mumakundano aya, yapedza mwaka iri pachinzvimbo chechi gumi nechimwe iine mapoinzi makumi mana nemaviri.

Zvikwata zvina zvinoti Nichrut, Bulawayo City, Mutare City, neShabanie Mine ndizvo zvabuda mugungano reCastle Lager Premier Soccer League.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG