Accessibility links

Breaking News

Madzimai esangano reZimbabwe Women Arise Anoratidzira paMuzinda weZimbabwe muD.C.


Muzvare Chiwoniso Mpofu, avo vatungamira mukuratidzira kwaitwa nemadzimai eZimbabwe Women Arise

Mamwe madzimai ekuZimbabwe ari pasi pesangano reZimbabwe Women Arise ari muAmerica akaungana muWashington D.C., kubva nemusi weChishanu umo ari kuratidzira achi cherechedza kusvika kwemwedzi gumi nemiviri mushure mekunge vanhu vaungana muHarare vachipemberera kupindira kwemauto mune zvematongerwo enyika, izvo zvakazobatsira mukubviswa kwaVaRobert Mugabe pachigaro.

Mauto aya akapindira achiti aida kugadzirisa nhaka yeZimbabwe pamwe nekubvisa vanhu vaaiiti vakanga vakapoteredza VaMube avo vaikonzeresa kutambura kwevanhu pamwe nekuparara kweupfumi hwenyika.

Mumwe wemadzimai aya vachigara kudunhu reGeorgia muno muamerica, Muzvare Chiwoneso Mpofu, vanoti vakatanga kuratidzira nemusi wechishanu apo vakanosiya magwaro enyunyuto dzavo pamuzinda weZimbabwe uri muWashington D.C.

Muzvare Mpofu vanoti neMugovera vaungana zvakare pamuzinda wenyika uyu vasati vafora vachienda kumahofisi esangano reUnited Nations.

Vanoti chikuru chakaita kuti vapinde mukuratidzira uku kusafara kwavo nekwavanoti kukundikana kwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuzadzisa zvayakavimbisa vanhu munguva yesarudzo.

Vanotiwo kunyange hazvo mauto pamwe nehurumende yaVaMnangagwa vakavimbisa vanhu kuti zvaikanganiswa naVaMugabe zvose zvichagadziriswa, hapana kana chimwe chete chavanganongedza kuti chakagadziriswa.

Hurukuro naMuzvare Chiwoniso Mpofu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muzvare Mpofu vanoti zvakare zvimwe zviri kuita kuti varatidzire kushanduka kwehukama hwakanga hwambovepo pakati pemauto neveruzhinji, uhwo vanoti hwakanga hwambovepo pakapindira mauto mauto mukushandura hurumende.

Nyaya yekuti gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya vanoti dhora rekuAmerica rakaenzana ne bond remuZimbabwe, pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi nezvematongerwo enyika ndezvimwe zvavanoti zvakaita kuti varatidzire.

Vanoti kunyange hazvo vanhu vashomashoma vari ivo vakwanisa kubuda mumazuva mavir aya, chikuru ndechekuti vakwanisa kuzadzisa chinangwa chavo kuburikidza nekusvitsa magwaro avo enyunyuto.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG