Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Votarisisa Mazuva Zana VaMnangagwa Vatora Mhiko


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvitsa mazuva zana vatoreswa mhiko, asi vamwe vanoti hapana chati charatidza kushanduka mumazuva zana aya.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvitsa mazuva zana vatoreswa mhiko, asi vamwe vanoti hapana chati charatidza kushanduka mumazuva zana aya.

Hurukuro yakaitwa neStudio 7 yakabatana neMedia Centre muHarare neChitatu yekutarisisa mazuva zana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatora mhiko yekutungamira nyika, yakaratidza kuti veruzhinji vane maonero akasiyanasiyana, vamwe vachiti pane shanduko asi vamwe vachiti hapana chati chaonekwa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reMDC, uye vari mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti vaitarisira kuti hurumende itsva iyi ivandudze zvinhu mukati memazuva zana aya asi kusvika pari zvino hapana chayati yaita.

Doctor Zhou vanoti tarisiro yeveruzhinji yakanga iri yekuona kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi zvagadzirisika here kuburikidza nekuwanisa vanhu mari, kubviswa kwema bond note, uyewo kuti mune zvematongerwo enyika mave neshanduko kubva kuhurumende yaivepo.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti shanduko yavepo huru kwazvo zvikuru mune zveupfumi nezvematongerwo enyika.

VaChirumhanzu vanoti vana veZimbabwe vakawana rusununguko rwekuita madiro aJojina, uyewo nyaya dzemari dziri kugadziriswa, sezvaonekwa nebhajeti raturwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Asi Doctor Zhou vanoti hapana chikuru chekupemberera bhajeti raVaNcube sezvo matambudziko mune zveupfumi agara aripo atowedzerwa nemitero yavaisa muzvinhu zvinobatsira varombo.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu pamwe naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG