Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Mune ZveUpfumi Inoti Zvakaiswa muBhajeti naVaNcube Zvakakodzera


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Nyanzvi mune zveupfumi uye vari muzvinabhizimusi, VaCallisto Jokonya, vanoti zvakaparurwa nemusi weChina negurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, kuti zvive muhurongwa hwemashandisirwo emari hwegore rinouya ndizvo zvinofanirwa chaizvo kuitwa kuti upfumi hwenyika husimukire.

Asi VaJokonya vanoti chasara chete kuona kuti zvavari kukurudzira kuti zviitwe kuti hupfumi husimukire zvinoteverwa here nehurumende, vachiti hurumende inozivikanwa nekushandisa mari zvisina mwero.

"Hurumende inofanirwa kuita discipline mukushandisa kwayo mari yainowana. Chepiri, huwori hwanyanya, vanhu vari kurarama hupenyu husingaenderane nemamiriro akaita zvinhu munyika," VaJokonya.

Panyaya yekuti VaNcube havana kujekesa nyaya yekuti mari ichashandiswa munyika ndeipi sezvo paine yekuAmerica, ma bond note, uye ma RTGS, VaJokonya vanoti iro harisi basa regurukota rezvehupfumi rekutaura mari inoshandiswa munyika.

Vanoti iri ibasa rebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe parino parura hwaro hwemashandisirwo emari panotanga gore rinouya.

Hurukuro naVaCallisto Jokonya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG