Accessibility links

Breaking News

Vekunze Vari muSouth Africa Voshushikana neMutemo Unoda Kunyima Vana Magwaro eKuzvarwa


Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weZimbabwe exiles forum, Advocate Gabriel Shumba vanoti masangano anorwira kodzero dzevanhu akatotanga kutora matanho ekubatsira vana vari kuda kunyimwa magwaro muSouth Africa.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weZimbabwe exiles forum, Advocate Gabriel Shumba vanoti masangano anorwira kodzero dzevanhu akatotanga kutora matanho ekubatsira vana vari kuda kunyimwa magwaro muSouth Africa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kunyunyuta nedanho rehurumende yenyika iyi rekuronga kuramba kupa magwaro ekuzvarwa kuvana vane vabereki vasiri zvizvazvarwa zvenyika iyi.

South Africa yakaburitsa mutemo mutsva uyu svondo rino, izvo zvakapa kuti vemasangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe nezvizvarwa zvekune dzinya muSouth Africa vachemecheme vachiti kuita kwakadai kutyora kodzero dzevana, uye kunosiya vana ava vasisina nyika dzavagere, vasingakwanise zvakare kuenda kuchikoro.

Magwaro aya anoshanda kubva muna Ndira wegore rino kusvika muna Zvita wegore ra 2021. Zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika zviuru zana nemakumi masere (180 000) zvinonzi zvakanyorera kuti zviwaniswe magwaro aya.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weZimbabwe Exiles Forum, Advocate Gabriel Shumba, vanoti masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seravo akatotanga kutora matanho ekubatsira vana vari kuda kunyimwa magwaro ekuberekwa muSouth Africa ava.

Advocate Shumba vari kukurudzirawo vabereki vari kutarisira kusangana kana kuti vakasangana nedambudziko iri kuti vabate masangano anorwira kodzero dzevanhu mumatunhu avagere muSouth Africa.

Zvichakadaro, South Africa inonzi yakatanga kupa magwaro ekugara nekushanda munyika iyi kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakanga zvakanyorera.

Hurukuro naAdvocate Gabriel Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG