Accessibility links

Breaking News

MDC Inoramba Kuti Yadzinga Mutevedzeri waMeya weBulawayo, VaKambarami


Kanzura weBulawayo, VaTinashe Kambarami, avo vakadomwa zvakare kuve mutevedzeri wameya weBulawayo.
Kanzura weBulawayo, VaTinashe Kambarami, avo vakadomwa zvakare kuve mutevedzeri wameya weBulawayo.

Bato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa raramba mashoko ari kutenderera mumadandemutande ekuti radzinga kanzura weBulawayo, VaTinashe Kambarami, mushure mekunge vasarudzwa zvakare semutevedzeri wameya weguta iri vasina kukwikwidzwa.

Munyori anoona nezvekutongwa kwematunhu muMDC uye vari mukuru wevashandi muhofisi yemutungamiri webato, VaSesel Zvidzai, avo vanonzi ndivo vakanyora tsamba yekudzinga VaKambarami, vanoti havana ruzivo nezvetsamba iyi, vachiti ivo havana masimba ekudzinga nhengo mubato.

VaKambarami vakanga vasiya chigaro chemutevedzeri wameya nemusi weSvondo mushure mekupiwa mazuva manomwe nebato ekuti vasiye chigaro ichi kana kuti vodzingwa mubato.

Hutungamiri hweMDC hunonzi hwakanga hwadoma VaMlandu Ncube kuti vave mutevedzeri wameya weBulawayo, asi VaKambarami vanonzi vakazokwikwidza zviri kunze kwehurongwa hwebato vakakunda.

Musarudzo dzakazoitwa zvakare neMuvhuro dzichikokerwa nasachigaro vebato iri, Muzvare Thabitha Khumalo, zvinonzi VaNcube havana kukwikwidza, izvo zvakaita kuti VaKambarami vapinde vasina akavakwikwidza.

Studio7 haina kukwanisa kuna Muzvare Khumalo kuti zvinhu zvakafamba seyi muBulawayo.

Asi VaZvidzai vanoti meya weVictoria Falls, VaSomvelo Dlamini, naVaHenry Muchatibaya, vanove meya veChegutu, vachakamiswa mabasa, uye vanotarisirwa kumiswa pamberi pekomiti inoranga nhengo mumatunhu avo svondo rinouya.

Panyaya yaVaKambarami, VaZvidzai vanoti vachakamirira kunzwa mafambiro akaita sarudzo kuBulawayo kuti vazokwanisa kutaura pamire bato panyaya iyi.

Hurukuro naVaSesel Zvidzai
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG