Mamiriro ezvinhu munyika mune zvematongerwo enyika, zveupfumi, pamwe nezvehutano ave kuita kuti vakawanda vatye kudzoka kwezvakaitika muna 2008, apo vakawanda vakanonga svosve nemuromo nekuda kwekuoma kwezvinhu.
Pari zvino nyika yakatarisana nematambudziko mumapoka ose anodiwa nevanhu kuti vararame, kubvira kumafuta ekufambisa dzimotokari, kushaikwa kwemari kumabhanga, kukwira kwemitengo yezvinhu, kusanganisira mishonga, pamwe nekuramwa mabasa kwavanachiremba.
Kodzero dzevanhu dzinonzi dzichiri kurambawo dzichityorwa pasi pehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.
Muchidimbu, zvinhu munyika zvinonzi zvaremera kumusoro setsvimbo.
Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Vaurayayi Zembe vanoti zvose zviri kukonzerwa nekusatonga zvakanaka kuri kuitwa nemutungamiri wenyika pamwe chete nebato ravo reZanu PF, vavanoti havasi kukoshesa zvinhu zvine basa.
Doctor Zembe vanoti chiri kuwedzera kuipa kwezvunhu munyika inyaya yekuti bato reZanu PF rinoona nyika sechinhu charo.
Zvii zvingaitwa kuti zvinhu zvigadzirisike zvisati zvanyanya kuita manyama amire nerongo?
Nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, VaJoseph Tshuma, vanoti hurumende yaVaMnangagwa iri kuita zvose zvainogona mukuona kuti nyika yadzokera painofanirwa kunge iri, mushure mekuparadzwa nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
VaTshuma vanoti VaMnangagwa vakavhura maoko avo izvozvi kumirira kutambira vemapato anopikisa kuti vaite muonera pamwe chuma chemuzukuru, asi vanopikisa vacho havasi kuda kutambira kukokwa uku.
Facebook Forum