Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica VaTrump Vanotaura Pamusoro peKutambarara Kwoita Nyika yeChina


Mutungamiri weAmericaVaDonald Trump vari ku Buenos Aires kumusangano weG20.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vakaita hurukuro nemutori wenhau weVoice of America, Greta Van Susteren ku Buenos Aires, kuArgentina, uko vari kupinda mumusangano wevatungamiri venyika nedzihurumende, weG20 Summit.

VaTrump vagara vachitaura kuti nyika yeChina ndeimwe yenyika dziri kudya hupfumi hweAmerica.

Nyika iyi iri kuramba ichiwedzerawo nyika dzairi kudyidzana nadzo, zvekuti pari zvino yave kumaodzanyemba kwe Africa, uyewo iri kuvakawo nzvimbo huru kwazvo yekusvikira ngarava muPakistan.

China ine zvibvumirano zvikuru nePanama neLatin America, izvo zvinoita kuti iite seyave kuswedera kuAmerica.

Vachipindura mubvunzo wekuti vanoti kudii nezvose zviri kuitwa neChina izvi uye kuti vari kushushikana nazvo here, VaTrump vakati vanofunga kuti China ichave nemari shoma kudarika yaiinayo iye zvino, nekuti zvibvumirano zvavanoita ivo, ukazvitarisa unoona kuti pari zvino pane mari inosvika $250 billion, pazvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana.

“Zvinoreva kuti tichatora mabhiriyoni nemabhiriyoni emadhora, pamusoro pezvo, ndinogona kuzviwedzera zvakapetwa kaviri. Uye havagone kuita zvavainge vajaira kuitira kune vaimbove vatungamiri venyika-nekuti uri kuona zviri kuitika kuChina. Handidi kuita izvi asi havasi kuita zvakanaka zvichienzaniswa nakare. Asi ndinofunga kuti isu tiri kuita zvakanaka chose.”

Panyaya yekuti kutambarara kweChina muLatin America nepasi rose hakukanganisi here kugadzikana kweAmerica, VaTrump vakati, “Ndinozviziva, asi vane dambudziko rechikwereti uye vanofanirwa kubhadhara chikwereti ichocho uye ndechemari yakawanda kwazvo yavari kushandisa. Ndinozvida here? Kwete! Asi ndinoziva kuti zvinovadhurira kwazvo, uye munzvimbo zhinji dzavari kupinda hazvisi kuzovashandira.”

Musangano weG20 Summit uyu uri kutarisirwa kupetwa neMugovera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG