Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votambira neMufaro Kunyevenutswa kweMutemo weKupinda neKubuda kweVana Vadiki muSouth Africa


Vabereki vakawanda vanonzi vanotumira vana vavo nehama kana shamwari, izvo zvakanga zvaita kuti hurumende yeSouth Africa idzike mutemo wekuti panodiwa magwaro anotsigira.
Vabereki vakawanda vanonzi vanotumira vana vavo nehama kana shamwari, izvo zvakanga zvaita kuti hurumende yeSouth Africa idzike mutemo wekuti panodiwa magwaro anotsigira.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti zvinotambira nemufaro mukuru danho ratorwa nebazi rezvemukati meSouth Africa, rekunyevenutsa mutemo unobvumidza kupinda kana kubuda munyika iyi kwevana vari pasi pemakore gumi nemasere vanenge vachifamba vasina vabereki vavo kana mumwe mubereki.

Bazi iri neChitatu rakazivisa kuti rakanga risisamanikidzi kuti munhu anenge achifamba nemwana mudiki aratidze magwaro anobva kuvabereki kana mumwe mubereki wemwana uyu achipa mvumo yekuti mwana wake apinde kana kubuda munyika iyi.

Asi bazi iri rinoti zvakakosha kuti munhu anenge achifamba nemwana mudiki angogara aine magwaro aya nekuti anogona kubvunzwa nevanenge vachishanda pamuganhu.

Gweta uye vachishanda nesangano re Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vatiwo vanoona danho iri rakanaka chose asi vachiti vanofunga kuti kuteverwa kwemutemo uyu nevashandi vebazi iri ndiko kukangononoka.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Exiles Forum, Muzvare Diana Zimbudzana, vanoti vanoona danho iri richirerutsira vabereki vakawanda, zvikuru vaya vanenge vachichengeta mhuri vari mubereki mumwechete.

Asi Muzvare Zimbudzana vanoti vanotarisirawo kuti hurumende yeSouth Africa yakatorawo matanho ekudzivirira kubiwa kwevana, sezvo vamwe vachizogona kushandisa mukana uyu kuyambutsa vana kupinda kana kubuda munyika iyi.

Hurukuro naMuzvare Diana Zimbudzana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG