Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reMari yeKunze Rotadzisa RBZ kuBhadhara Makambani eMigodhi


Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya.
Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya.

Kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika kunonzi kwave kukonzera kuti bhanga guru renyika re Reserve Bank of Zimbabwe rikundikane kubhadhara makambani emigodhi akatengesa goridhe rawo kuburikidza nekambani yeRBZ, yeFidelity Printers.

Izvi zvinonzi zvakazosiya imwe yemakambani asiri kubhadharwa aya, yeRioZim itore danho rekuenda kumatare edzimhosva kuti amanikidze RBZ kubhadhara mari iyi.

RioZim inonzi iri kuda kuti ibhadharwe mari inosvika mamiriyoni makumi mapfumbamwe nemaviri emadhora ekuAmerica, iyo kambani iyi inoti haina kubhadharwa kubva muna 2016.

Panguva iyi RBZ inonzi yakanga yakaita chibvumirano nemakambani emigodhi kuti achawana zvikamu makumi matatu kubva muzana, iyo RBZ yosara nezvikamu makumi manomwe kubva muzana.

Asi mumagwaro ayo kumatare edzimhosva, RioZim inonzi iri kuti iyo yaingopiwa zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana chete zvemari iyi.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and economic Development Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanoti zviri kuitwa neRBZ izvi zvinoita kuti vekunze nevemunyika vanoda kusima mari dzavo munyika vashaye chivimbo nebhanga guru renyika iri.

"Dambudziko ririko nderekuti mu formal economic system hamuna enough foreign currency yekuti government inge ichibhadhara ma obligation akaita seamuri kutaura ayaya ayo nemamwe akawanda, anopfuura amataura aya," Vanodaro Doctor Chitambara vanodaro.

Izvi zvinotsinhirwawo neimwe nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, avo vanoti kukundikana kweRBZ kunoreva kuti vanoda kuzosima mari munyika vazotya kupinza mari dzavo.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi vachitungamira sangano revashandirwi, reEmployers’ Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vanoti hurumende inoda mari yakawanda kwazvo kuti ikwanise kubhadhara zvikwereti zvayo zvose.

"Paa pachifanirwa kuve nenhaurirano pakati pemakambani aya neReserve Bank of Zimbabwe nokuti kana munhu uine chikwereti chemunhu iwewe une chikwereti ndiwe unenge uchifanirwa kuita a payment plan."

Asi VaMufukare vanoti izvi zvinonetsa kuzadzisa nechikonzero chekuti nyika haina chairi kuburitsa kana kutengesa kunze kuti iwane mari yekunze, izvo zviri kuzoita kuti ishandise mari dzainenge ichifanirwa kubhadhara makambani emigodhi aya.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi, VaLuxon Zembe vanotiwo hurumende inofanirwa kuzadzisa zvibvumirano zvainenge yaita nemakambani.

"Zvinokosha zzvikurusa kuti Reserve Bank yedu ikwanise kuzazikisa chibvumirano chainenge yakaita nemakambani. Dambudziko riri kuitika toriziva rekuti pamwe dzimwe nguva mari inenge isipo yakakwana asikazhinji kacho mari inenge dzichidiwa nemakambani aya imari idzo dzavanenge vachifanirwa kunge vachiwana pane zvavvanenge vakatengesa, kana kuti vakawirirana neReserve Bank yeZimbabwe," VaZembe vanodaro.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Panyaya yekuti chikwereti chehurumende chiri kuramba chichikwira, Doctor Chitambara vanoti izvi zvakanyanyokonzerwa nesarudzo dzakaitwa munyika muna Chikunguru sezvo hurumende yaidhinda mari yakawandisa kudarika yayaiwana.

Kambani yeRioZim handiyo chete inonzi iri kutadza kuwana mari yayo kubva kuRBZ. Kambani yekuSouth Africa inogadzira cement ye PPC inonzi iri kuti iri kunetsekawo kuti buritse mari yayo inosvika mamiyoni makumi matanhatu emadhora kubva muZimbabwe.

Imwe kambani yemigodhi, ye Metallone Gold inonziwo iri kunetsekana kuti iwane mari yayo kubva kuRBZ. Izvi zvinonzi zviri kukonzerwawo nekushaikwa kwemari yekunze munyika.

Kunze kwekunge RBZ yagadzirisa matambudziko emari ari munyika, zvinhu zvinonzi zvicharamba zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezveupfumi, izvo zvinozokonzera kuti makambani akawanda, zvikuru ezvemigodhi, avhare nekupeta machira awo achibuda munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG