Bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti gwaro rekomisheni yakadomwa kuongorora nezvemhirizhonga yakaitika musi wa 1 Nyamavhuvhu raburitswa kune veruzhinji nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, harina zvariri kubatsira nazvo nyika pari zvino kunze kwekuda kubata vanhu kumeso.
Gwaro iri rakanyorwa nekomisheni yaitungamirirwa nevaive mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, mushure mekunzwa humbowo kubva kuvanhu vakasiyanasiyana.
Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vanoti sebato vanoona sekunge gwaro iri ragara richida kuvharidzira kuurayiwa kwakaitwa vanhu nemauto.
Vanotiwo chimwe chavashamisa ndechekuti gwaro iri riri kukurudzira kuti vakapfura nekuuraya vanhu vatsvagwe vamiswe pamberi pematare, asi riri iro basa raifanirwa kuitwa nekomisheni iyi rekuburitsa pachena vakauraya vanhu.
VaMafume varambawo kuti bato ravo ndiro rakakonzeresa mhirizhonga iyi.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti vanoona sekunge komisheni yaVaMotlanthe iyi yakaedza kwazvo kuburitsa pachena kuti mauto akapfurikidza mwero pakushandisa chisimba mukupomhodza kuratidzira.
Asi VaMavhinga vanoti hurumende inofanirwa kuchiendesawo ongororo yakaitwa iyi mberi kuburikidza nekusunga vose vane chekuita nekupfurwa kwevanhu vorangwa zvakakodzera.
Facebook Forum