Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vagara paMabasa muZvipatara zveHurumende Vanoramwawo Mabasa


Vanachiremba vachiratidzira muHarare.

Vanachiremba vakuru vemuzvipatara zvehurumende vanonzi vabatana navanachiremba vachangopedza zvidzidzo vari mukuramwa mabasa. Danho iri rinonzi rave kuremera varwere zvakanyanya, sezvo vazhinji vavo vachienda kuzvipatara zvehurumende.

Vanachiremba vakuru ava vanoti vatora danho iri nekuda kwekuremerwa nebasa vari voga.

Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa musi wa 01 mwedzi uno vachida kuti hurumende igadzirise zvinyunyuto zvavo, zvinosanganisira kuwaniswa zvekushandisa muzvipatara pamwe nekuti vawedzerwe mari dzavo dzemihoro nedzekubatsirikana.

Studio 7 yakundikana kuita hurukuro negurukota rezvehutanoi Doctor Obadiah Moyo, avo vanga vati tigovabata pashure, asi vanga vasisadaira nharembozha yavo.

Hatina kukwanisawo zvakare kubata boka reHealth Services Board kuti tinzwe kana paine matanho atorwa nehurumende ekuedza kurerutsa dambudziko iri.

Asi chiremba vanorwira kodzero dzevanhu, Doctor Rutendo Bonde vanoti mamiriro akaita zvinhu pari zvino anonzwisa tsitsi sezvo zvati mwana atsva kudumbu amai vatsva kumusana.

"Inyaya inorwadza. Inorwadza zvikuru, nekuti inorwadza pamativi ese maviri nekuti tikatarisa kune varwere, varwere vari kutambudzika muzvipatara."

Vanoenderera mberi vachiti, "Zvipatara zvedu zvagara zviri kunetseka nemishonga. Mishonga yagara iri kunetsa. Zvakawanda zvagara zvichinetsa zvipatara zvedu. Pamusoro pazvo taakuti futi hakuna futi chii, machiremba aye. Mhuri yeZimbabwe yochidii manje?

"On the other side of the issue, Mukoma Jonga, ndinotongotendera kuti nyaya iyi yanga yakatongodaro. Yanga isina kushanduka kubvira mazuva atakatanga isisu kushandira hurumende. Saka ndinonzwa kurwadziwa kuti kubvira nguva iyoyo kusvika iye nhasi machiremba haasati atambira mari yakanaka," vanodaro Doctor Bonde.

Hurukuro naDoctor Rutendo Bonde
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG