Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Kuratidzira muRunyararo Kwaitwa neMDC Mucherechedzo weKuyaruka kweBato iri


Vamwe vanoongorra zvematongerwo enyika vanoti kuratidzira murunyararo kwaitwa nhasi nebato rinopikisa reMDC mucherechedzo wekuti nhengo dzebato iri dzabvazera, uye vatsigiri veMDC vanotevera murairo wehutungamiri hwebato.

Asi vamwewo ndivo vanoti kutaridzira kwaitwa murunyararo uku kunotevera yambiro yakasimba yakapiwa nehurumende kuti ani nani zvake aizokonzera mhirizhonga aizotorerwa matanho akaomarara.

MDC yaratidzira muHarare mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vachiti bato ravo ratora danho iri senzira yekuratidza kusatambira kwavo kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakasarudzwa nevanhu, vachiti semaziviro avo VaMnangagwa vakasarudzwa nedare redzimhosva.

VaChamisa vazivisawo kuti vasvitsa gwaro renyunyuto kuparamende, nekumasangano anoti African Union neSADC vachizivisa kuti havasi kuzobvisa VaMnangagwa nepfuti kwete, asi nemavhoti, vachiti vasvitsawo gwaro iri kuna VaMnangagwa, kwete semutungamiri wenyika, asi semutungamiri weZanu PF.

Munyori mukuru weMDC, VaDouglas Mwonzora vanoti bato ravo ragara richiratidzira murunyararo kana chete pakasapindira vemamwe mapato kana mauto nevasori.

VaMwonzora vanoti mutungamiri webato ravo VaChamisa, vakazvipira kugara pasi nemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, voumba hurumende yemubatanidzwa kuti nyika iende mberi.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti kuratidzira kwaitwa neMDC murunyararo hakusi kuti bato iri rarongeka kwete, asi kuti ratya yambiro yakapiwa nenhengo yeZanu PF, VaObert Mpofu, yekuti hurumende yaizotora matanho akaomarara kune vanenge vatyora mutemo.

VaChirumhanzu vanotiwo manyepo kuti vanhu vapinda mumigwagwa nehuwandu hwavo, vachiti kune ruzhinji rwevana neZimbabwe, ranga riri basa pamberi semazuva ose.

vasekawo mashoko ekuti VaChamisa vakazvipira kugara pasi naVaMnangagwa vachiti Zanu PF ine huwandu muparamende saka haizombofa yakaumba hurumende yemubatanidzwa neMDC.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG