Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vambosiya zororo ravo neChishanu kuitira kuti vakwanise kupinda mumusangano nenhengo dzesangano ravanachipangamazano vavo rePresidential Advisory Council.
Nyaya yezvikwata zviri kurwisa pamwe nekuponda vanhu zvichishandisa mabhemba, izvo zvave kuzivikanwa nerekuti “mashurugwi” yanetsa munyika yose zvichitevera kupararira kuri kuitwa zvikwata izvi mumatunhu ose emunyika.
Mumwe wemitemo mitsva iyi unonzi unorambidzawo vekunze kwenyika ava kushanda mune mamwe mabasa, uyewo uchinzi unoomesera vanenge vachida kunyoresa vana vavo kuti vawanewo hupoteri pamwechete navo.
Mutauriri weZim Parks, VaTinashe Farawo, vanoti mitumbi yaVaTimothy Tembo naVaChidhumo Mabharani yakawanikwa munguva dzakasiyana, wekutanga uchiwanikwa munguva dzemangwanani, mumwe wacho uchizowanikwa masikati.
Sangano rinomirira vanotenga nekutengesa kunze kwenyika, reInternational Cross-Border Traders Association, riri kukurudzira vari kushandisa miganhu kubuda munyika, zvikuru vari kubuda nekuBeitbridge, kuti vashandise mimwe miganhu isina kuwandirwa nevanhu.
Hurumende inonzi yapinza mabasa varairidzi vatsva senzira yekurerutsa dambudziko rekushomeka kwevarairidzi musvikoro zvepasi zve primary nezvepamusoro zve secondary.
Sangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda muSouth Africa, reZimbabwe Global Forum, riri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze kodzero dzevanhu mugore rino ra 2020 sezvakatarwa nebumbiro remitemo yenyika.
Meya veguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoti kanzuru yeguta ravo ine hurongwa hwakawanda hwekusimudzira guta mugore rinouya ra 2020, kuburikidza nekuita zvirongwa zvakasiyanasiyana.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakurudzira runyararo pamwe nekubatana kwevana veZimbabwe, vachiti izvi ndizvo chete zvinoita kuti nyika ibudirire.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanhu vatatu vafa mangwani eMugovera mutsaona yaitika kuKwekwe, kuchitiwo bhazi rabheuka kuGweru rakuwadza vanhu makumi mashanu nevana.
Vakawandawo vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevatungamiri vevashandi nevemapato anopikisa vanonzi vakasungwa pamwe nekushungurudzwa nemapurisa, vamwe vavo vachikandwa mumajeri.
Gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanoti kunyange hazvo gore rino ra2019 ranga riri gore rakaomera vana veZimbabwe, vanoshuvira kuti gore rinouya ra2020 richange riri gore rakarerukira veruzhinji.
VaZiyambi vanoti kunyange hazvo vakatanga gore vachifamba zvishoma nezvishoma, vakazofadzwa kuti kusvika pakazopera gore vakanga vakwanisa kupasisa mabiri ane chitsama, ayo akazosainwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti ave mutemo.
Kune mhuri yeZimbabwe yakawanda, zororo reKisimusi rinonakidza vanhu vakaungana pamwechete semhuri, zvikuru kumusha, uko vanodya nekunwa vachipemberera kuzvarwa kwaJesu Kristu.
Apo nyika yatarisana nezororo reKisimusi, iro ririko neChitatu, vakawanda vanonzi vave kuita chipatapata kutandasina nenguva kuunganidza zvanga zvasarira.
Pamhosva yekutanga, VaTrump vari kunzi vakakumbira mutungamiri wenyika yeUkraine, VaVolodymyr Zelenskiy kuti vavabatsire kuferefeta vaimbove mutewedzeri wemutungamiri wenyika munguva yehutongo hwaVaBarrack Obama, VaJoe Biden pamwe nemwanakomana wavo.
Miganhu yenyika inonzi yatotanga kuona huwandu hwevanhu vari kupinda munyika, zvikuru vari kubva kuSouth Africa vachishandisa muganhu weBeitbridge.
Vaimbove mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaThabo Mbeki, vakapinda munyika neMuvhuro vakaita musangano wekutanga nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachizosangana nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa pashure.
Sangano rinomirira vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti riri kushoropodza kuumbwa kwerimwe sangano rinomirira vanachiremba, reProgressive Doctors Association of Zimbabwe, iro rakaparurwa neMugivera muHarare.
Mutauriri weZimbabwe Anti-Corruption Commission, VaJohn Makamure vanoti vanoti Amai Chiwenga vari kupomerwa mhosva yekuburitsa munyika mari inodarika miriyoni imwe chete yemadhora ekuAmerica, iyo vakashandisa kutenga dzimba nedzimotokari kunze kwenyika.
Rodhai zvimwe