Sangano rinomirira vanotenga nekutengesa kunze kwenyika, reInternational Cross-Border Traders Association, riri kukurudzira vari kushandisa miganhu kubuda munyika, zvikuru vari kubuda nekuBeitbridge, kuti vashandise mimwe miganhu isina kuwandirwa nevanhu.
Muganhu weZimbabwe neSouth Africa weBeitbridge Border Post unonzi uzere nevanhu vari kuda kuyambuka kudzokera kuSouth Africa mushure mezororo reKisimusi negoredzva, izvo zvinonzi zvakonzera kuti paite mitsetse yakareba yevanhu nedzimotokari.
Mutungamiri wesangano reInternational Cross-Border Traders Association, VaDenis Juru, vanoti sesangano vari kukurudzira vanhu vari kubuda munyika kuti vashandise mimwe miganhu yakaita se Plumtree Border Post, vopinda nemuBotswana kuti vakwanise kupinda muSouth Africa zviri nyore.
VaJuru vanoti izvi zvinogona kuonekwa sekunge zvinodhura asi zvinorerukira vanhu sezvo vasingazopedzi mazuva vari paBeitbridge vakamirira kubatsirwa.
Vanoti vanofunga kuti huwandu hwevanhu uhwu hunogona kunge huri kukonzerwa nekusavepo kwemishina inokwanisa kufambisa basa nekukasika, kanawo kuti divi remuSouth Africa iro vanoti rinotarisa zvakawanda kwazvo risati rabvumidza munhu kupinda MUNYIKA IYI.
ZIMRA yakazivisa kuti yaizowedzera huwandu hwevashandi vayo pamuganhu weBeitbridge panguva yezororo richangibva kupera iri.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi reZIMRA kanawo vedivi reSouth Africa panyaya yekuwanda kwevanhu iyi.
Facebook Forum