Accessibility links

Breaking News

Vanoongorora zveMatongerwo eNyika Vozeya Nyaya yeKusatorerwa Matanho kwe"Mashurugwi"


Mashurugwi anonzi akonzera kusagadzikana kwevanhu mumatunhu akawanda, kusanganisira mumadhorobha.

Nyaya yezvikwata zviri kurwisa pamwe nekuponda vanhu zvichishandisa mabhemba, izvo zvave kuzivikanwa nerekuti “mashurugwi” yanetsa munyika yose zvichitevera kupararira kuri kuitwa zvikwata izvi mumatunhu ose emunyika.

Mukutanga, zvikwata zvevanhu vemabhemba izvi zvainyanyowanikwa munzvimbo dzinocherwa zvicherwa zvakaita semangoda negoridhe, asi pari zvino vanhu ava vanonzi vave kungowanikwa chero mumapurazi kana mumamisha, umo vari kurwisa vanhu vavanenge vanetsana navo, kana kushandisa mabhemba avo mukubira vanhu.

Mashurugwi anonzi akonzerawo kusagadzikana kwevanhu mumatunhu akawanda, kusanganisira mumadhorobha.

Mashoko ari kubuda mumadandemutande anoti chikwata che"Mashurugwi" chakarwisa imwe mhuri kuChegutu neChitatu manheru vanhu vaviri vakafa vamwe vatatu vakakuwara zvakaipisisa.

Vanhu ava vanonziwo vakanorwisa kamba yemapurisa kuNembudziya kuGokwe vachiedza kununura mumwe wavo akanga asungwa.

Asi mapurisa anonzi akazokwanisa kusunga vanhu vanosvika makumi mana.

KuMazowe kunonziwo kwakasungwa vanhu gumi nevana, mabhemba gumi nerimwe pamwe nezvimwe zvombo zvakasiyanasiyana zvakawanikwa.

Mazuva mashoma adarika vanhu ava vakaponda mumwe mupurisa kuBattlefields, kuKadoma, vatanhatu vavo vakasungwa nemapurisa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti vari kunzi mashurugwi ava havaneyi nedunhu reShurugwi, asi kuti izita rakabva kuchikwata chakamboshungurudza vanhu kwaMarange chainzi "magombiro".

Vanoti mapurisa haasi kutora matanho sezvo vanhu ava vari pasi pevamwe vakuru vari muchipurisa nemuchiuto.

VaMaguwu vanoti zvinozivikanwa nevanhu vose munyika kuti vanotyora mutemo vasingasungwi inhengo dzeZanu PF, zvichireva kuti vanenge vachichengetedzwa nevezvematongerwo enyika vane masimba.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti zviri kuitwa nevanhu vari kunetsa ava hazvineyi neZanu PF kana zvematongerwo enyika, asi kuti inhubu dzevanhu dziri kuisa mutemo mumaoko adzo.

VaChirumhanzu vanoti chimwe chinoita kuti vati hazvineyi nezvematongerwo enyika ndezvekuti kusvika nhasi hapana bato rezvematongerwo enyika rati rambobuda richiti rine nhengo dzakapondwa nevanhu ava, asi kuti vari kuponda vanhuwo zvavo.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu pamwe naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG