Mapurisa anoti vanhu gumi nevaviri vafa kusvika pari zvino, vamwe makumi manomwe vakakuwara mutsaona dzemumigwagwa kubva musi weKisimusi.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanhu vatatu vafa mangwani eMugovera mutsaona yaitika kuKwekwe, kuchitiwo bhazi rabheuka kuGweru rakuwadza vanhu makumi mashanu nevana.
Assistant Commissioner Nyathi vanoti vanhu gumi nevatanhatu vakuwarawo mutsaona yemumugwagwa yaitika kuMabvuku muHarare.
Vanotiwo nemusi wezororo reKisimusi vanhu vatatu vakafa mutsaona dzemumigwagwa, nemusi weBoxing Day vamwe vana vakafa, kuchitiwo neChishanu kwakafa vanhu vaviri.
Assistant Commissioner Nyathi vanoti tsaona dzose idzi dzakakonzerwa nevatyairi vaimhanyisa motokari dzavo kana kuti vasina kutevedzera mitemo yepamugwagwa uyewo nevamwe vainge vaneta.
Asi vanoti dzidziso dzakapiwa nemapurisa emunyika akabatana neekuSouth Africa pamwe neveboka rinoona nezvekufamba zvakanaka mumigwagwa reTraffic Safety Board dzakabatsira zvikuru mukuderedza huwandu hwetsaona dzaitika kusvika nhasi.
Assistant Commissioner Nyathi vanoti vachiri kuongororawo kuona kuti mhosva dzakaparwa munguva ino yezororo dzakakwira here kana kuti dzakadzikira zvichienzaniswa nemamwe makore adarika.
Facebook Forum