Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votadza Kugadzirira Kisimusi Nekuda kweKushaikwa kweMari kuMabhanga


Vakawanda vanonzi vakundikana kutora mari dzavo kumabhanga, izvo zvichaita kuti vatambe Kisimusi vasina mari.
Vakawanda vanonzi vakundikana kutora mari dzavo kumabhanga, izvo zvichaita kuti vatambe Kisimusi vasina mari.

Apo nyika yatarisana nezororo reKisimusi, iro ririko neChitatu, vakawanda vanonzi vave kuita chipatapata kutandasina nenguva kuunganidza zvanga zvasarira.

Asi ruzhinji rwunonzi rwuri kusangana nedambudziko rekushaikwa kwemari kumabhanga, kana kuti kana yawanikwa inenge iri shomashoma, isina zvainokwana pane zvose zvavanenge vachida kutenga.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari kumabhanga iri rasiya vakawanda vari parumananzombe.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vakambotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaCallisto Jokonya, vanoti igaroziva kuti nguva ino yezororo reKisimusi idambudziko kuwana mari yemusvo mumabhanga.

Nekudaro, VaJokonya vanoti veruzhinji vaifanirwa kunge vadzidza kushandisa dzimwe nzira dzekubhadhara nadzo dzisiri dzemari yemusvo.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zveupfumi, vachishanda nesangano rinomirira varimi vanochengeta zvipfuyo, reZimbabwe Agricultural Growth, VaNewton Chari, avo vanoti kana mari iri dambudziko kuwana, vanhu vanogona kushandisa nzira dzekubhadhara nadzo dzakaita semakadhi ekumabhanga kana kushandisa nharembozha dzavo kuburikidza ne Eco-Cash.

Asi VaMoyo vanoti havasi vese vanotengesa zvinhu vanotambira dzimwe nzira dzekubhadhara nadzo dzisiri mari yemusvo.

VaMoyo vanoti vezvitoro havamanikidzwe nemutemo kutambira dzimwe nzira dzekubhadhara nadzo dzakaita se swipe kana eco-cash, uye vamwe vanoti kana usingashandise mari yemusvo unobhadhariswa kamutero pamusoro.

Mutungamiri wesangano rinomirira vemabhanga, reBankers Association of Zimbabwe, VaWebster Rusere vakaudza bepanhau reChronicle kuti dambudziko rekushaikwa kwemari mumabhanga riri kukonzerwa nekunyaya yekuti vanhu havasi kuchengetera mari dzavo kumabhanga.

Asi VaJokonya vanoti izvi zviri kukonzerwa nekushaya chivimbo nemabhanga kwave muvanhu.

Svondo rapera gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vakazivisa kuti bhanga guru renyika rakanga radira mari inoita mamiriyoni makumi maviri emadhora, asi mari iyi inonzi nevakawanda yakundikana kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemari ragara riri munyika.

Kusvika pave nechivimbo munyaya dzekuchengetedzwa kwemari kumabhanga, nyika icharamba ichisangana nedambudziko rekushomeka kwemari kwenguva yakareba.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG