Accessibility links

Breaking News

Sangano reZHDA Ropomera Sangano Idzva rePDAZ Mhosva yeKupatsanura Vanachiremba


Vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende vave nemazuva zana nemana vachiramwa mabasa.
Vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende vave nemazuva zana nemana vachiramwa mabasa.

Sangano rinomirira vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti riri kushoropodza kuumbwa kwerimwe sangano rinomirira vanachiremba, reProgressive Doctors Association of Zimbabwe, iro rakaparurwa neMugovera muHarare.

Munyori mukuru weZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Tawanda Zvakada vanoti sesangano vanoona sekunge kuumbwa kwerimwe sangano ravanachiremba uku kwakanangana nekuda kupesanisa vanachiremba kuti vasataure nezwi rimwechete mukurwira kwavo kuti vapiwe mihoro inovakwanira pamwe nekuti mashandiro avo avandudzwe nehurumende.

Doctor Zvakada vanoti kunyange hazvo bumbiro remitemo richipa kodzero yekuumba masangano, sesangano, havasi kunzwisisa kuti sei pakatorwa danho rakadaro rekuparura rimwe sangano rinopesana nemashandiro avo ekuti hupenyu hwavanachiremba hunge huchisimudzirwa.

Hurukuro naDoctor Tawanda Zvakada
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvinotevera kuparurwa kwesangano rinonzi Progressive Doctors Association of Zimbabwe, iro rinonzi riri kutungamirwa naDoctor Benson Dandira.

Asi mutauriri weProgressive Doctors Association, Doctor Anesu Rangwani, varamba mashoko ekuti sangano ravo rakanangana nekupesanisa vanachiremba.

Doctor Rangwani vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rakaumbwa mushure mekuona kutambura kuri kuita varwere muzvipatara zvichikonzerwa nekuramwa mabasa kwavanachiremba, uko kwava nemazuva zana nemana.

Doctor Rangwani vanoti savanachiremba vakatora mhiko yekuti vachashandira nyika mukubatsira varwere, asi izvi handizvo zviri kuitwa navanachiremba pari zvino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG