Kune mhuri yeZimbabwe yakawanda, zororo reKisimusi rinonakidza vanhu vakaungana pamwechete semhuri, zvikuru kumusha, uko vanodya nekunwa vachipemberera kuzvarwa kwaJesu Kristu.
Asi vamwe vari kunze kwenyika nevari munyika vanopemberawo zuva iri vari pamabasa.
Vamwe vari kunze kwenyika vanenge vasingaende kumabasa ndivo vanounganawo sehama neshamwari vachidyawo nekunwa.
Kazhinji vanobika chikafu chinonyanyodyiwa kumusha panguva yezororo reKisimusi.
Mumwe wevanhu vari kunze kwenyika vaungana kuti vapemberere Kisimusi vari pamwechete semhuri ndaAmai Chenai Mutambasere, avo vari kuEngland.
Amai Mutambasere vanoti kunyange hazvo changa chiri chishuvo chavo chekutamba Kisimusi vari kumusha nevamwe, vakaona zvakakodzera kuti vange vari kuEngland, nemhuri yavo.
Vanoti vaungana nehama neshamwari, kusanganisira mukoma wavo nemhuri yake, vakabika chikafu chainonyanyodyiwa kumusha panguva ino yezororo chinosanganisira huku, mupunga pamwe nesadza rezviyo.
Facebook Forum