Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanokurudzira Runyararo neKubatana


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakurudzira runyararo pamwe nekubatana kwevana veZimbabwe, vachiti izvi ndizvo chete zvinoita kuti nyika ibudirire.

Vachitaura kuBulawayo pagungano remunamato wekupa kutenda rinorongwa mukupera mukupera kwegore nevemakereke, reNational Thanks Giving and Dedication Service, VaMnangagwa vati kubatana, kushanda nesimba pamwe nekunamata, ndizvo chete zvinoita kuti nyika izadzise muono wayo.

Nhepfenyuro ye ZBC inotiwo mutungamiri wenyika vatendawo hukama huri pakati pemakereke nehurumende, vakakurudzirawo makereke kuti arambe achiparidza shoko rerudo nejechetere.

VaMnangagwa vanonzi vatiwo nyika haisi kuzodzosa kushandiswa kwemari yedzimwe nyika pamwechete neyemunyika, uye vakurudzirawo vakawana minda kuti vaishandise nemazvo.

Vaimbove seneta weTsholotsho uye vari nhengo yehutungamiri hweZanu PF mudunhu reMatabeleland North, VaBelieve Gaule, vanoti gungano rekutenda rashevedzera nevemakereke iri rakakosha zvikuru sezvo makereke ari iwo anokwanisa kubatanidza vanhu munyika.

VaGaule vanotiwo vafadzwa zvikuru nemashoko emutungamiri wenyika ekukurudzira runyararo nekubatana, vachiti chanyanyovafadza ndechekuti VaMnangagwa vashandisawo mavhesi emubhaibheri mukuratidza kwavo kukosha kwekunamata Mwari, uye kuti Mwari vanogona kuitira nyika zvakanaka kana vanhu vakabatana nekushanda pamwe chete.

Hurukuro naVaBelieve Gaule
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru wekereke yeGrace Ablaze Ministries International, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti hapana chakaipa hapo kuti vemakereke vaungane vachitenda, asi havaoni sezvakakodzera kuti vakuru vakuru vemakereke vakokere musangano panguva ino apo nyika iri kutambura nekuda kwekushaikwa kwemishonga navanachiremba muzvipatara.

Bishop Magaya vanoti vanachiremba vari kutyisidzirwa nehurumende, kusanganisirawo VaMnangagwa, avo vavanoti vakati kusaenda kumabasa kwavanachiremba kuri kukonzerwa nevamwe vari kuvapa mari yekuti varamwe mabasa.

Vanotiwo vemakereke vanofanirwa kushandisa mikana yemisangano yakadai kuudza mutungamiri wenyika chokwadi chemamiriro akaita zvinhu munyika.

Vamwe vapindawo mumunamato uyu madzishe achitungamirirwa nemutungamiri wekanzuru yemadzishe, Ishe Fortune Charumbira, Reverend Andrew Wutawunashe vekereke yeFamily of God pamwe naBishop Nehemiah Mutendi vekereke yeZimbabwe Christian Church.

Hurukuro naBishop Ancelimo Magaya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG