Accessibility links

Breaking News

Mitumbi yeVashandi veZim Parks Vakaurayiwa kuKariba Svondo Rapera Inowanikwa


Vanochengetedza mhuka vaviri vakaurayiwa nevanovhima zviri kunze kwemutemo vanofungidzirwa kuti ndeve kuZambia.
Vanochengetedza mhuka vaviri vakaurayiwa nevanovhima zviri kunze kwemutemo vanofungidzirwa kuti ndeve kuZambia.

Mitumbi miviri yevashandi veZimbabwe Parks and Wildlfe Management Authority, Zim Parks, avo vakatsakatika svondo rapera mushure mekurwisana nevaivhima mhuka zviri kunze kwemutemo vanobva kuZambia, yakawanikwa neMuvhuro muLake Kariba.

Mutauriri weZim Parks, VaTinashe Farawo, vanoti mitumbi yaVaTimothy Tembo naVaChidhumo Mabharani yakawanikwa munguva dzakasiyana, wekutanga uchiwanikwa munguva dzemangwanani, mumwe wacho uchizowanikwa masikati.

VaFarawo vanoti mitumbi iyi yakazotakurwa nendege kuendeswa kuHarare uko iri kuongororwa kuti ionekwe kuti chii chakakonzera kufa kwevashandi ava.

VaFarawo vanoti mitumbi yevarume vaviri ava iri kutarisirwa kuradzikwa nemusi weChina kumisha yavo.

Vashandi ava vanonzi vakanga vachishanda vachichengetedza nyanza apo vakasangana nechikwata chevavhimi ava ndokukwanisa kuchisunga.

Asi zvinonzi pakazoita kurwisana izvo zvakazoita kuti vashandi ava vatsakatike kusvika vazowanikwa vashaya.

VaFarawo vanoti bazi ravo nevanoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika muZimbabwe neZambia vari kushanda pamwechete kuti vaone kuti chii chakatora nzvimbo.

Asi vanoti dambudziko guru riri kusangana nebazi ravo nderekushaya mari yekuti vakwanise kupinza vamwe vashandi mabasa, kutenga zvikwanisiro zvekushandisa pamwe nekuti vatengewo michina yechizvinozvino yekuti vakwanise kutevera nekuchengetedza mhuka dzose.

Hurukuro naVaTinashe Farawo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG