Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Vokurudzira Kuchengetedzwa kweKodzero muGore Rino


Sachigaro veZimbabwe Global Forum, VaSolomon Sox Chikowero
Sachigaro veZimbabwe Global Forum, VaSolomon Sox Chikowero

Sangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda muSouth Africa, reZimbabwe Global Forum, riri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze kodzero dzevanhu mugore rino ra 2020 sezvakatarwa nebumbiro remitemo yenyika.

Sachigaro vesangano iri, VaSolomon Chikowero vanoti zvakakoshawo zvakare kuti dzihurumende dzemudunhu rekuchamhembe kweAfrica reSADC, dziremekedzewo kodzero dzevanhu, zvikuru hurumende yeSouth Africa, umo gore rapera zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvakarwiswa nezvizvarwa zvenyika iyi.

VaChikowero vanoti chishuvo chavo chikuru sesangano ndechekuona kuti vanhu vakatiza munyika dzavo kana vakabuda voga vachinotsvaga mafuro manyoro kuti vawanewo ruramo yakafanira, isina kumbunyikidzwa sezvavakaona muna 2019 munyika dzakawanda dzemuAfrica.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG