Accessibility links

Breaking News

Gavhuna veRBZ, Doctor Mangudya, Vokurudzira Kuti Nyika Ive neZvainogadzira Kuti 2020 Ave Akajeka


Gavhuna veReserve bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya
Gavhuna veReserve bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya

Gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanoti kunyange hazvo gore rino ra2019 ranga riri gore rakaomera vana veZimbabwe, vanoshuvira kuti gore rinouya ra2020 richange riri gore rakarerukira veruzhinji.

Asi Doctor Mangudya vanoti kuti izvi zviitike, nyika inofanirwa kunge iine zvainogadzira zvinotengeswa kunze kuitira kuti nyika iwane mari yekunze.

Vanotiwo dambudziko remari rinogadziriswa chete kana vanhu vakadzosera mari kumabhanga, kwete kuichengetera kudzimba, vachiti bhanga ravo ronogopa mari kumabhanga kuti asvitse kuvanhu, saka harizokwanisa kutevera richiongorora kuti mari idzodzo dzachengetedzwa sei.

Doctor Mangudya vakurudzirawo kubatana nekuti vanhu vashandire nyika yavo vachiti hapana chipo chinokunda chekupa kunyika yako munguva ino yezororo reKisimusi.

Vanhu vakawanda vari kuchema kuti gore ra2019 rakave rimwe remakore akaomesesa munhoroondo yenyika munyaya dzezveupfumi.

Asi hurumende yagara ichichema kuti iri mumatambudziko airi nhasi nekuda kwezvirango zvainoti zvakatemerwa nyika nevekumadokero.

Hurukuro naDoctor John Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG