Gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti vanogutsikana zvikuru nemafambisirwo akaitwa basa neparamende rekupasiswa kwemitemo mugore rino ra 2019.
VaZiyambi vanoti kunyange hazvo vakatanga gore vachifamba zvishoma nezvishoma, vakazofadzwa kuti kusvika pakazopera gore vakanga vakwanisa kupasisa mabiri ane chitsama, ayo akazosainwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti ave mutemo.
Vanotiwo chimwe chikuru chakaitwa neparamende gore rino kupasisa bhajeti regore rinouya vasati vavhara paramende yegore rino, vachiti zvavakazadzisa mugore rino ndekekutanga mukati memakore angada kusvika gumi.
Asi nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemitemo, VaInnocent Gonese vebato rinopikisa reMDC, vanoti zviri kuitwa nehurumende yeZanu zvekuramba ichiisa zvigamba pabumbiro remitemo hazvina nematuro ose sezvo zviri kukanganisa bumbiro remitemo idzva.
VaGonese vanoti Zanu PF iri kushandisa huwandu hwenhengo dzayo muparamende kutyora mutemo nekuvandudza bumbiro remitemo zvisina maturo, asi vanoti ivo vachaedza napose pavanogona kumirira vanhu vakavasarudza kuti vange vari muparamende.
Facebook Forum