Kwasara svondo rimwe chete kuti Kisimusi isvike, izvo zvave kuita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviite chipatapata zvichipinda munyika kubva munyika yazvigere dzakasiyana siyana.
Miganhu yenyika inonzi yatotanga kuona huwandu hwevanhu vari kupinda munyika, zvikuru vari kubva kuSouth Africa vachishandisa muganhu weBeitbridge.
Bepanhau reChronicle rinoti bazi reZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, ratowedzera huwandu hwevashandi vepamuganho uyu nekuisa vamwe makumi masere vabva kune mimwe miganhu isiri kunyanya kuwandirwa nevanhu.
Mitsetse yevanhu nedzimotokari zviri kuda kupinda munyika inonzi iri kuramba ichikura zuva nezuva.
Mutungamiri wesangano rinomirira vanorarama nekutenga nekutengesera kunze kwenyika, reInternational Cross Border Traders Association, VaDenis Juru, vanoti vemabhazi vatokwidzawo mari dzinobhadharwa nevafambi nezvikamu zviri pakati pemakumi mashanu kubva muzana nezana kubva muzana, zvichienderana nekuti rwendo rwacho rwunogumira kupi.
VaJuru vanotiwo vanotambira nemufaro danho reZIMRA rekuwedzera vashandi paBeitbridge, asi vanoti handizvo zvinopedza dambudziko rekunonoka kufamba kwevanhu.
VaJuru vanoti chinofanirwa kuitwa neZIMRA kutenga michina mitsva yekushandisa kurerutsa basa revashandi vepamiganhu yenyika.
Facebook Forum