Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Voshoropodza Mutemo weSouth Africa Unobata Vapoteri


Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa. VaRhamaphosa vanonzi vakashandisa mutemo wakadzikwa muna 2008, uyo vakawandudza mukuomesera vapoteri.

Masangano pamwe nevanhu vanorwira kodzero dzevanhu muSouth Africa vari kushoropodza zvikuru mitemo mitsva yakatanga kushanda munyika iyi kutanga kwegore rino, iyo inorambidza vekunze vari muhupoteri kana kutsvaga hupoteri muSouth Africa kuti vasapinda mune zvematongerwo enyika.

Mumwe wemitemo mitsva iyi unonzi unorambidzawo vekunze kwenyika ava kushanda mune mamwe mabasa, uyewo uchinzi unoomesera vanenge vachida kunyoresa vana vavo kuti vawanewo hupoteri pamwechete navo.

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vanonzi vakashandisawo zvakare mumwe mutemo wakadzikwa muna 2008, uyo wakawandudza, mukuomesera vapoteri.

Pasi pemutemo uyu zvakare, vapoteri vanonzi vanotorerwa mukana uyu kana vakashanyira muzinda wenyika yavo muSouth Africa, kana kudyidzana nevashandi vehurumende kana mapazi ehurumende dzekunyika dzavo.

Rimwe gweta rinoshanda neHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti mutemo uyu une zvakawandisa zvitsva zviri kuomesera vapoteri panyaya dzekodzero dzavo.

VaMavhinga vanoti kunyange hazvo mutemo weUnited Nations unobata vapoteri wakadzikwa muna 1951 uchipa nyika nenyika simba rekudzika mutemo wekuti inobata sei vapoteri, South Africa yaifanirwawo kukoshesa raramo yevapoteri nekuvabvumidza kuti vashandire mhuri dzavo pamwe nekupindira mune zvematongerwo enyika dzavo.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG