Accessibility links

Breaking News

VeZvematongerwo eNyika Votarisa Gore ra2019 neZvingatarisirwa Muna 2020


Mapurisa achiparadza vatsigiri veMDC muHarare.
Mapurisa achiparadza vatsigiri veMDC muHarare.

Vanhu vakawanda vanoti gore ra2019 igore richapinda munhoorondo yemakore akaomera nyika mune zvematongerwo enyika pamwe nezveupfumi.

Mukati megore iri makaitikawo zvakawanda zvinoshungurudza vanhu, nezvimwewo zvinofadza vamwe.

Mukutanga kwegore ra2019, mauto akapomerwa mhosva yekuuraya vanhu vanosvika gumi nevaviri mushure mekunge vanhu vapinda mumigwagwa vachida kuratidzira.

Vakawandawo vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevatungamiri vevashandi nevemapato anopikisa vanonzi vakasungwa pamwe nekushungurudzwa nemapurisa, vamwe vavo vachikandwa mumajeri.

Mapurisa anopomerwawo mhosva yekushandisa chisimba chakanyanya pakuparadza misangano yebato rinopikisa neMDC kwaaiita muna 2019, uye kurambidza bato iri kuita misangano.

Munyaya dzezvehupfumi, hurumende yakadzika mutemo unorambidza kushandiswa kwemari yekunze. Kunyange hazvo yakaisawo mari yemunyika yemhando yeRTGS vamwe vanoti hazvina zvazvakagadzirisa sezvo dambudziko remari rakaramba richipinga nyika ndare, izvo zviri kukonzera kusagadzikana mune zvehupfumi.

Zvipatara zvakapindawo dambudziko rekushaiwa vanachiremba kubva muna Gunyana kusvika pari zvino mushure mekunge varamwa mabasa vachida kuti hurumende igadzirise mihoro yavo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaumbawo zvakare dare revatungamiri vemapato akakwikwidza kusarudzo yemutungamiri wenyika, rePolitical Actors’ Dialogue, POLAD, iro ravanoti ndiro riri kutungamira nhaurirano dzekugadzirisa zvinetswa zvemunyika.

Asi mutungamiri webato reMDC, VaNelson Chamisa vakaramba kupinda muPOLAD vachiti vanongoda nhaurirano pakati pavo naVaMnangagwa chete, kwete nemapato asina chaakakohwa musarudzo.

Zvino gore zvarasvika pakupera kudai, vamwe vezvematongerwo enyika vari kuti kudii nazvo?

Mutewedzeri wemutauriri webati rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reNorth America, VaTim Muringai, vanoti gore ra2019 igore rakanga rakaomera munhu wese, zvisineyi nekuti ndewebato ripi, zanu PF kana MDC.

VaMuringai vanoti chakakwanisa kuita chete neveZanu PF kuratidza vanhu kuti havakwanise kutungamira munyika mavakabira sarudzo.

Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reAmerica, VaFrenk Guni, VaFrenk Guni, vanoshoropodza mashoko aVaMuringai aya vachiti hurumende yavo iri kuedza nepose painogona napo kugadzirisa hupenyu hwevana veZimbabwe, kunyange hazvo zvinhu zvakaiomera.

VaGuni vanoti hurumende yavo haichaswera ichitevera zvekutungana kwembudzi zvavanoti zviri kuitwa neMDC zvekuramba kupinda munhaurirano dziri pasi pePOLAD, vachiti vave kunangaga nenyaya yekusimudzira hupfumi hwenyika muna 2020 kuti vanhu vagarike.

Hurukuro naVaTim Muringai pamwe naVaFrenk Guni
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG