Accessibility links

Breaking News

ZACC Inosunga Mudzimai weMutewedzeri weMutungamiri weNyika, VaChiwenga, Amai Marry Chiwenga


Amai Marry Chiwenga nemurume wavo, mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga. Vaviri ava vanonzi vave makara asionani.
Amai Marry Chiwenga nemurume wavo, mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga. Vaviri ava vanonzi vave makara asionani.

Mudzimai vemutewedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Guvheya Nyikadzino Chiwenga, Amai Marry Chiwenga, vakasungwa neMugovera neZimbabwe Anti-Corruption Commission vachipomerwa mhosva nhanhatu dzekuburitsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo, uye imwechete yekufojera magwaro emuchato wavo naVaChiwenga.

Mutauriri weZimbabwe Anti-Corruption Commission, VaJohn Makamure vanoti Amai Chiwenga vari kupomerwa mhosva yekuburitsa munyika mari inodarika miriyoni imwe chete yemadhora ekuAmerica, iyo vakashandisa kutenga dzimba nedzimotokari kunze kwenyika.

Panyaya yekufojera magwaro emuchato, musungwa ari kupomerwa mhosva yekunyepera mutongi wedare kuti akanga awirirana nemurume wake kuti vachatiswe, asi VaChiwenga vasina ruzivo rwehurongwa uhwu.

Izvi zvinonzi zvakatora nzvimbo panguva iyo VaChiwenga vairwara izvo zvakazoita kuti vaendeswe kuchipatara chekuSouth Africa kunorapwa. VaChiwenga vakazoendeswa kuChina kwavakazogara kwemwedzi mina vachirapwa.

VaMakamure vanoti vamhan’gari panyaya iyi vaviri, vanove hurumende naVaChiwenga mbune. Studio 7 haina kukwanisa kubata magweta ari kumirira Amai Chiwenga panyaya iyi.

Pari zvino Amai Chiwenga vari mumaoko emapurisa kuRhodesville Police Station, uye vanotarisirwa kumiswa pamberi pedare neMuvhuro.

Amai Ciwenga nemurume wavo VaChiwenga vanonzi ave makara asionani. Bepanhau reZimbabwe Independent rinotiwo mutewedzeri wemutungamiri wenyika, kuburikidza nemagweta avo, vakatosvitsa kumatare edzimhosva mapepa ekuti vaparadze muchato wavo wakaitwa pachivanhu muna 2011 mushure mekurambana nevaive mudzimai wavo Amai Joceylin Chiwenga muna 2010.

Vaviri ava vanonziwo havasi kugara pamwechete pari zvino, izvo zviri kuita kuti vakawanda vati vave kurambana.

Hurukuro naDoctor Tawanda Zvakada
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG