Musangano uyu wapindwa nevemasangano anosanganisira Zimbabwe Christian Heads of Denominations, Platform of Concerned Citizens, Zimbabwe Human Rights NGO Forum, Zimbabwe Council of Churches, masangano evashandi, vezvevemabhizinesi pamwe neevadzidzi.
Musangano wepagore webato riri kutonga reZanu PF wechimakore gumi nemasere uri pakati kuGoromonzi mudunhu reMashonaland East paine zvivimbiso zvakawanda zviri kubva kuhutungamiri hwebato iri zviri kunzi zvichagadziriswa nehurumende.
Izvi zvinotevera danho rehurumende neMuvhuro svondo rino rekuzivisa kuti yakapa mvumo kuboka rekwamabharani mukuru wenyika rekwaRegistrar-General, kuti ritange kubhadharisa zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika madhora ekuAmerica mazana matatu negumi nemasere.
Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu aungana panzvimbo yemabhizimusi paRukawu, kwaMutoko mudunhu reMashonaland East achicherechedza zuva rekodzero dzevanhu pasi rose, reInternational Human Rights Day.
Bazi rezvezviwanikwa, mamiriro ekunze pamwe nekushanyirwa kwenyika, kuburikidza neboka rezvemamiriro ekunze re Meteorological Service Department, riri kuzivisa nezvekunaya kwemvura yakawanda munyika yose kubva Muvhuro kusvika musi weChina.
Chirongwa cheCitizwean Mobile Clinic, chiri kunanga kwaMutare, uko vanachiremba navanamukoti vakazvipira kubatsira varwere pachena vachange vari muChikanga kwemazuva maviri kutanga neChishanu.
Iyi ndiyowo zvakare nguva inotarisirwa nevari munyika vakawanda kuti vari kunze kwenyika vavatumire mari pamwe nezvinhu zvekushandisa panguva yezororo rekisimusi negore idzva sezvo veruzhinji munyika vari kunonga svosve nemuromo.
Kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mngangagwa vakavimbisa masvondo mashoma adarika kuti hurumende ichadzorera mari muzvitengeswa senzira yekubatsira vanhu, vanhu vari kuti hapana chati chamboshanduka munyaya dzemitengo yezvinhu.
Asi gurukota rezvevashandi, Muzvinafundo Mavhimam vanoti hurumende haina zvaichakwanisa kuita mugore rino, vachiti zvekuwedzera vashandi mari zvinotozotarisirwa kuzoiswa mubhajeti regore rinouya.
Asi mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi varamba mashoko ekuti mapurisa ashandisa mabhara anouraya, vachiti hapana kumboridzwa pfuti, asi kuti mapurisa angoshandisa chete utsi hunokachidza.
Sangano iri rinoti kana hurumende yakasagadzirisa gakava iri navanachiremba vari kuramwa mabasa ava, hupenyu hwevanhu vakawanda hucharamba huri munjodzi, vanhu vakwanda vachifa.
Mapurisa akabatana nevashandi vebazi rezvekupinda nekubuda munyika pamwe nevebazi rezvevashandi apinda mumamwe mafekitari ari munzvimbo yeIndustria muJohannesburg achisunga vashandi vanobva kune dzimwe nyika vari muSouth Africa vasina magwaro anovabvumidza kugara nekushanda munyika iyi.
Zvinhu zvinonzi zviri kuramba zvichiomera veruzhinji munyika kuburikidza nekukwira kwemitengo yezvinonyanyodiwa muhupenyu, zvikuru zvekudya pamwe nemafuta edzimotokari, asi mihoro yevashandi vazhinji isina kwairi kuenda.
Vechidiki vebato riri kutonga reZanu PF, vari kuungana neChitatu munhandare yeRimuka, mudhorbha reKadoma, kuMashonaland West, uko vari kutarisirwa kuita musangano wavo wepagore.
Homwe iyi, iyo inonzi Zimbabwe Citizweans Clinics, yakwanisa kuunganidza mari inodarika zviuru zvina zvemadhora ekuAmerica, paine tarisiro yekuunganidza zviuru gumi zvemadhora.
Vamwe vagari vemuChitungwiza vanoshandisa musika weGuzha uri paChikwanha, pasi peManyame Rural District Council, vari kunyunyuta nekusagadziriswa kwedambudziko remvura inonzi iri kujenga pamusika uyu.
Musangano uyu wakambenge wanzi uchaitirwa muAfrica Unity Square muHarare asi mapurisa anonzi akaurambidza kuti uenderere mberi panzvimbo iyi achinzi akati aityira kuti veruzhinji vanogona kuzotora mukana iwoyo kuratidzira nekukonzera mhirizhonga sezvo vanhu vasina kugadzikana munyika.
Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, rinoti raziviswa nevanomirira hurumende munhaurirano kuti hurumende ichapa vashandi vayo vose mari dzemabhonasi avo mwedzi uno.
Musangano weGlobal Business Forum Africa watanga neMuvhuro muDubai mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachinzi vakurudzira vemabhizimusi pasi rose kuti vapinde muZimbabwe vachitangawo mabhizimusi avo.
Uyu musangano weGlobal Business Forum Africa wechishanu unonzi wakarongwa neDubai Chamber of Commerce and Industry, uye dzimwe nyika dzemuAfrica dzinonzi dzakazivisa kuti dzichatumira makurukota adzo kumusangano uyu.
Rodhai zvimwe